Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vogadzirisa Hukama Hwavo neNyika Dzakabudirira?


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti Zimbabwe yakazvipira kugadzirisa hukama hwayo nenyika dzekumawirira, uye havasi kuzodzokera shure panyaya yekuisa hupfumi mumaoko evanhu vatema.

Vachitaura muhurukuro yavaita nemupepeti wesangano renhau reReuters muHarare, Chris Chinake, VaMugabe vati hurumende yavo yakamirira kuona matanho achatorwa neAmerica pamwe neEuropean Union, mukugadzirisa hukama hwenyika idzi neZimbabwe.

VaMugabe vatiwo vanotarisira mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, pamwe nemutungamiri mutsva weBritain, VaDavid Cameron, kuti vachagadzirisa hukama hwenyika dzavo neZimbabwe.

Vatiwo vaviri ava vakasiya hukama hwenyika dzavo neZimbabwe hwakaita sezvahuri pari zvino, zvinenge zvoratidza pachena kuti VaObama naVaCameron vanenge vasina kusiyana nevatungamiri vanga vari munyika idzi, VaGeorge Bush veAmerica naVaTony Blair veBritain, avo vakasiya vatemera Zimbabwe zvirango vasati vabva pazvigaro zvekutungamira nyika dzavo.

Mwedzi wapera, VaObama vakaudza vatungamiri vechidiki vemasangano emuAfrica, vaive muWashington kuti vanorwadzikana zvikuru nematongero aVaMugabe, avo vauraya nyika yakapfuma.

VaMugabe vatiwo dzimwe nyika dzekumawirira dzakanga dzichifunga kuti zvirango zvakatemerwa hurumende yavo, zvichabatsira kuibvisa pachigaro, asi izvi hazvisi kushanda.

Vatiwo havasi kuzodzokera shure pahurongwa hwekupa vanhu vatema zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvehupfumi mumakambani evachena nevekunze, senzira yekugadzirisa kusamira zvakanaka kwenyaya dzeupfumi hwenyika, uho hwakakonzerwa nehurumende yavachena yaitonga nyika isati yawana kuzvitonga.

Asi VaMugabe varatidza kusafara kwavo nezviri kuitwa nevamwe vanhu vatema vakadzidza, avo vati vanoshora gwara ravo rekuendesa hupfumi kuvatema. VaMugabe vatorawo mukana uyu kushoropodza vanhu vanovati munhu ari kurwara nechirwere chegomarara, vachizviti munhu akasimba zvikuru.

VaMugabe vava nemakore makumi masere nematanhatu ekuberekwa, uye ndivo varamba vari mutungamiri wenyika kubva pakawana Zimbabwe kuzvitonga muna 1980.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaJohn Makumbe, vatiwo VaMugabe havasi kutaura chokwadi kana vachiti vakagadzirira kutaura nenyika dzakaita seBritain neAmerica. VaMakumbe vanoti dai VaMugabe vachirevesa, havafanirwa kunge vachituka nyika idzi pose pavanovhura muromo wavo.

XS
SM
MD
LG