Accessibility links

VaMugabe Vanoti Masangano Akazvimirira Anoda Kuvabvisa Pachigaro

  • Jonga Kandemiiri

Masangano akazvimirira anoti remangwana rawo riri parumananzombe zvichitevera mashoko akataurwa neMugovera kwaMutare nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti masangano aya haasi kurara achironga kuvabvisa pachigaro nenzira dzisiri pamutemo.

Vachitaura pamhemberero dzekusvitsa kwavo makore makumi masere nemasere, VaMugabe vakati havazofi vakaregerera masangano akazvimirira ane pfungwa yekuda kushandura hurumende achishandira munyika.

Vakatiwo masangano aya anongotsigira bato rimwe chete rezvematongerwo enyika.

Masvondo apfuura, gavhuna wedunhu reMasvingo, VaTitus Maluleke, vakati vamisa kushanda masangano akazvimirira anodarika makumi maviri mudunhu ravo vachiti ari kupindira mune zvematongerwo enyika.

Mugore ra2008, mugadziriro dzesarudzo, vashandi vemasangano akazvimirira vakawanda vakashungurudzwa nevanofundidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Masangano akazvimirira mazhinji ari kubatsira zvikuru munyika kuburikidza nemabasa aari kuita ekupa chikafu nerwumwe rubatsiro.

Mukuru wemubatanidzwa wemasangano akazvimirira, weNANGO, VaCephas Zinhumwe, vanoti mashoko aVaMugabe aya anogona kutambirwa nevamwe vari pasi seekutoti masangano aya ose haadiwi munyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo VaMugabe vakapotsa pakusadoma masangano avanoti ari kuita izvi, kuitira kuti masangano ose asasvibiswa.

XS
SM
MD
LG