Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vobvutira Copac Bumbiro Riri Kunyorwa


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaudza dare remakurukota neChipiri kuti ivo nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vaneta nekumirira bumbiro remitemo riri kunyorwa nekomiti yeparamende.

VaMugabe vanoti vave kuda kuti Copac ivape zvaiinazvo neChishanu voona kuti vangaite sei kuti bumbiro iri ripere.

Mamwe makurukota apinda mudare remakurukota asina kuda kudomwa nemazita audza Studio7 kuti VaMugabe vataura mashoko aya mushure mekunge gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vaudza dare pamire nyaya yekunyorwa kwebumbiro.

Bumbiro iri raifanira kunge rakapera makore matatu apfuura asi kusvika pari zvino hapana chabuda.

VaMatinenga vanoti zviri kudiwa naVaMugabe hazvikwanisike nekuti havasati vapedza basa ravakapihwa iri.

XS
SM
MD
LG