Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoramba Mashoko eKuti Vakanorapwa kuSingapore


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, varamba mashoko ekuti havasi kunzwa zvakanaka, uye kuti vakanga vaenda kuSingapore kunorapwa.

Vachisvika panhandare yendege muHarare neSvondo, VaMugabe, avo vakanga vabuda munyika svondo rapera, vakati hachisi chokwadi kuti hutano hwavo huri kuvanetsa.

VaMugabe vakati vakanga vaenda mhiri kwemakungwa kunoona mwanasikana wavo Bona, uyo anonzi ari kuHong Kong.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vakaudza vatori venhau kuti VaMugabe vakanga vaenda kuSingapore kunotariswa ziso ravo, iro rakabviswa tsanga mukutanga kwegore rino.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti kupesana kwemashoko aVaMugabe naVaShamu kunoratidza kuti pane zvisiri kutaurwa nevaviri ava.

XS
SM
MD
LG