Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoparura Hurongwa hweKurwisa Zvirango


Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri we Zanu PF, Va Robert Mugabe, vaparura neChitatu hurongwa hwekurwisana nezvirango zvakatemerwa ivo nevamwe vari mubato ravo vachiti zvirango izvi zviri kurwadza mhuri yeZimbabwe.

Vachitaura muHarare neChishanu, VaMugabe vati zvirango izvi zvinofanira kubviswa nechimbichimbi, vachiti hazvina chazviri kubatsira mukusimudzira hupenyu hwezvizvarwa zveZimbabwe.

VaMugabe vasainawo petisheni iri kutenderedzwa ne Zanu PF munyika yese pamusoro pezvirango izvi uye mumashoko avo ekusaina petisheni iyi, vadzokorora zvakare kuti Zimbabwe ndeyavo.

VaMugabe vati zvirango hazvina kutemerwa nechikonzero chekuti vaityora kodzero dzevanhu, asi kuti vechichena vaida kuramba vaine hupfumi munyika. Vati America ne European Union ichitungamirwa neBritain, dzakarwadziwa nokuti hurumende yavo yaiva yapa ivhu kuvatema.

VaMugabe vadzokorodza zvakare mashoko ekuti vachaenderera mberi nekutora makambani, zvikurusei ayo ane nyika dzakavatemera zvirango. Va Mugabe vati rimwe danho ravachatora nderekuona kuti veruzhinji havazenge vachitenga zvinhu zvinogadzirwa nemakambani aya.
VaMugabe vati vachaumba komiti ichazenge ichitora makambani aya inenge ichitungamirwa negurukota rezvekuendesa upfumi kuvatema, Va Saviour Kasukuwere.

America ne European Union dzakatemera VaMugabe nevamwe vavo zvirango muna 2002 dzichiti VaMugabe vaityora kodzero dzevanhu pamwe nekubira sarudzo.


Vatungamiri vemapato maviri ese eMDC havana kuuya pakuparurwa kwehurongwa uhu uko kwakarongwa nepurovhinzi yeHarare mu Zanu PF.


Zvichakadai, zvinonzi vanhu vazhinji vamanikidzwa nevechidiki ve Zanu PF kuti vaende panga pachiparurwa hurongwa uhu. Zvinonzi musika wevarimi pamwe neMupedzanhamo wavhariswa, uyewo zvinonzi vechidiki veZanu PF vanga vari mumarori vasvika pazvitoro zviri paAvondale ndokumanikidza vanhu vese vanga varipo kuenda kunonzwa VaMugabe vachitaura.


Zvitoro zvizhinji zvemuHarare zvavhariswa mangwanani uye vanhu vaswera vachitsva nezuva vari pamusangano uyu kusvikira VaMugabe vazopedza kutaura masikati.


Vemakombi nevedzimotokari vanonzi vavharirwa nzira nevechidiki ve Zanu PF vachishanda pamwe nemapurisa kuti vaende kumusangano uyu uye zvinonzi vamwe vevanotengesa mapepanhau varohwa nevechidiki ava vachinzi havana kuenda panga pachiparurwa hurongwa hwekurwisana nezvirango uhu.

Zanu PF inoti inoda kutsvaga masiginicha mamiriyoni maviri kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zvichisainira kuti zvirango izvi zvibviswe. Asi hapasati pataurwa kuti chii chichaitwa kana masiginicha aya awanikwa

Ona Mafungiro (1)

This forum has been closed.
XS
SM
MD
LG