Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti ICC Ngaisungewo VaBush naVaBlair


President Robert Mugabe addresses the nation as Zimbabwe celebrates 30 years of independence from Britain, in Harare, 18 Apr 2010
President Robert Mugabe addresses the nation as Zimbabwe celebrates 30 years of independence from Britain, in Harare, 18 Apr 2010

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti dare repasi rose reInternational Criminal Court, ICC, rinofanirwawo kusunga vaimbove mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, pamwe nevaimbove mutungamiri weBritain, VaTony Blair, kwete kuramba rakavavarira kuda kusunga mutungamiri weSudan, VaOmar Hassan-Al-Bashir.

VaChitaura neChipiri kumusangano weEuropean Union - Africa summit muTripoli ku Libya, VaMugabe vakati ICC inoita rusarura pavanhu vainoda kutonga nemhosva dzehondo.

VaMugabe vakati VaBush naVaBlair vakakonzeresa kufa kwezviuru nezviuru zvevanhu vemuIraq, asi dare reICC rakati mwii panyaya iyi.

Sudan haina kuenda kumusangano uyu ichiti haisi kufara nedanho reEU rekuti isave pamusangano uyu.

EU yakanga isingadiwo kuti VaMugabe vange vari pamusangano uyu, asi vakaenda chete. VaMugabe, vachitsigirwa nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC, vari kuyedza zvakasimba kukurudzira vatungamiri venyika dzemuEU kuti vabvise zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo muZanu PF.

Musangano uyu, uyo wakatanga Muvhuro uchipera neChipiri, uri kutarisa kuti nyika dzemuEurope ne Africa dzingadyidzane sei.

Asi kumucheto wemusangano uyu, mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, mutungamiri weNamibia, VaHifikupunye Pohamba, uye mutungamiri weMalawi, VaBingu wa Mutharika, vanonzi vakayedza kukumbira veEU kuti vabvise zvirango asi zvakakona n'anga murapwa achida.

Vane ruzivo nezviri kuitika muEU vanoti VaMugabe nevamwe vavo vari kupedza nguva nekuti ivo ndivo vanofanira kutanga vachinja maitiro avo, voremekedza kodzero dzevanhu.

Sangano reAll Africa Parliamentary Group on Zimbabwe renhengo dzeparamende yekuBritain rinoti VaMugabe havaifanirwa kutenderwa kuenda kuLibya.

Nyanzi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti zviri kuitwa naVaMugabe nevamwe vavo kuteya nzou neriva.

XS
SM
MD
LG