Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Votatsurana paNyaya yeSarudzo


Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai arrive at a rally marking Zimbabwe's 31st independence anniversary celebrations in Harare, Zimbabwe, April 2011. (file photo)
Zimbabwean President Robert Mugabe (R) and Prime Minister Morgan Tsvangirai arrive at a rally marking Zimbabwe's 31st independence anniversary celebrations in Harare, Zimbabwe, April 2011. (file photo)

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende inofanira kuwona zvaingaita nechimbichimbi kuitira kuti veruzhinji munyika vawane chokudya sezvo zvirimwa zvizhinji munyika zvichinzi zvakatsva gore rino.

Vatiwo havasi kufara nekusawirirana kuri muhurumende panyaya yechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema. VaTsvangirai vataura izvi pamusangano wavanoita nevatori venhau mwedzi wega-wega waitirwa muHarare.

VaTsvangirai vanoti sarudzo dzichaitwa munyika kana vatungamiri vemapato ari muhurumende vawirirana. Vanotiwo hapana munhu mumwe chete pavatungamiri ava ane masimba ekudaidzira sarudzo idzi ega.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachitsigirwa nevamwe vakaoma musoro mubato ravo reZanu-PF vadzokorora zvakare kuti hupenyu hwedare reparamende hunogona kudimurirwa panzira kuitira kuti paitwe sarudzo gore rino.

VaMugabe vapa vari kutungamira nhauririrano mukomiti yemakurukota iri kukokera kunyorwa kwebumbiro, VaPatrick Chinamasa naVaNicholas Goche, kusvika Chitatu kupedza misariridzwa yose iri kupa kuti bumbiro remitemo idzva rinonoke kupera.

Komiti iyi iri kusangana neChitatu kuti izeye nyaya dzinosanganisira yeminda, kuendeswa kwemasimba kumatunhu, pamwe nenyaya yekuti nyika yoita vatevedzeri vangani.

VaMugabe, avo vari kuSingapore kunonzi nezvipangamazano zvavo vari kutsvagira mwana wavo nzvimbo yechikoro vari kuti MDC iri kukweva makumbo pakunyora bumbiro remitemo.

VaMugabe vakaudza komiti yebato ravo neChishanu kuti komiti inokokera COPAC ikatadza kuwirirana vanenge vomanikidzwa kugura hupenyu hwedare reparamende vodaidzira sarudzo vachishandisa.

Asi VaTsvangirai vanoti sarudzo dzinoitwa chete kana pave nebumbiro remitemo. Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, avo vatenda kuti komiti inokokera COPAC ichasangana neChitatu asi vati haingabatirwe gidi neZanu-PF kuti iite zvido zvebato iri.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo harisi kuzodzokera shure panyaya yekuti sarudzo dziitwe gore rino.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti VaMugabe havana masimba avari kuzvipa ekudaidzira sarudzo vega.

XS
SM
MD
LG