Accessibility links

Breaking News

VaAhmadinejad naVaMugabe Voshora kuZITF Nyika Dzakabudiria


Mutungamiri weIran, VaMahmoud Ahmadinejad, neChishanu vakashora zvikuru nyika dzakabudirira, vachiti nyika idzi dzinoda kudzvinyirira nyika dzichiri kubudirira dzichiudza nyika idzi zvekuita nehupfumi hwadzo.

VaAhmadinejad vataura mashoko aya vachivhura zviri pamutemo Zimbabwe International Trade Fair yegore rino.

VaAhmadinejad nyika dzichiri kubudirira dzinofanirwa kubatana kuitira kuti dzisimbaradze hukama hwadzo.

Vatiwo Zimbabwe neIran dzicharamba dzichidyidzana munyaya dzehupfumi.

Vachitaurawo kuZITF, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatiwo vanotsigira hurongwa hweIran hwezvombo zve nuclear.

VaMugabe vange vachitsigirwa nevatevedzeri vavo vaviri, Amai Joyce Mujuru, naVaJohn Nkomo, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

Kuenda kwaVaAhmadinejad kuZimbabwe kuri kukonzera mutauro wakanyanya munyika, zvekuti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nevamwe vakuru vebato ravo, vakaramba kuvagamuchira.

VaTsvangirai vanonzi vakabva vanoshanya havo kuSouth Africa.

Asi mutauriri wedare reparamende, VaLovemore Moyo, ndivo chete nhengo yeMDC-T yakaenda kuZITF.

VaMoyo vaudza Studio7 kuti vanhu vanofanira kupatsanura pakati pemabasa ehurumende nemapato.

Vati vaenda kuZITF nekuti paramende ine musika wayanga ichiratidzira.

VaEarnest Mudzengi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari National Director weNCA. VaMudzengi vanoti zviri kuitwa naVaMugabe ndezvekuda kutosvorana nenyika dzakabudirira idzo dziri kushora Iran hurongwa hwayo hwekugadzira zvombo zve nuclear.

XS
SM
MD
LG