Mabharani mukuru wenyika, VaTobaiwa Mudede, vanoti gwaro revavhoti rakachena zvikuru, zvekuti vanhu havafanirwi kurityira kana pakaitwa sarudzo gore rino.
Vachitaura panhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation nemusi weChitatu manheru, VaMudede vakati hofisi yavo yave nemichina yemakombiyuta inokwanisa kuona kana munhu akanyoresa pagwaro rekuvhota kaviri.
VaMudede vakati gwaro iri rine vakanyoresa kuvhota vanosvika mamiriyoni mashanu nemazana masere ezviuru.
Asi masangano akazvimirira pamwe nemamwe mapato ezvematongerwo enyika anoti gwaro iri richine vamwe vanhu vakafa kare kana kutama kubva mumatunhu avakanga vagere.
Mutauriri webato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti kutaura chete kwaVaMudede hakuna zvakunoshandura, sezvo vasiri kuda kuisa pachena gwaro iri kuitira kuti riongororwe nevanhu vose kana rakachena.
Bato iri rinoti rinoda kuti gwaro revavhoti riumbwe nehofisi yeboka reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kwete naVaMudede avo rinoti vakarerekera kubato reZanu PF.
Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vatsinhirawo zviri kukurudzirwa nerimwe bato reMDC, vachitiwo zvakakanganiswa kare naVaMudede ndizvo zvichiri mupfungwa dzevana veZimbabwe.
Mukuru weElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanotiwo kuti VaMudede varemekedzwe vanofanirwa kuburitsa pachena mamiriro egwaro revavhoti iri.