Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vanosungwa, VaLovemore Moyo Vachitorerwa Nyembe neDare reDzimhosva


Gurukota rezvemhando dzemoto, uye vari mutevedzeri wemubati wehomwe muMDC, VaElton Mangoma, vakasungwa neChina mangwanani nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuita zviri kunze kwemitemo vari pabasa.

VaMangoma vanonzi vakatorwa kumahofisi avo epa Chaminuka Building nematikitivha matatu, vachinzi vari kuda kubvunzurudzwa nenyaya yekupa kambani yekuSouth Africa, ye NOOA Petroleum basa rekuuyisa mafuta munyika pasina kutevedzwa zvinodiwa nemitemo.

VaMangoma, avo vanova nhengo yeStanding Committee muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, mumwe wevanhu vanoshanda sezvipangamazano zvaVaTsvangirai.

VaMangoma, avo vakatora bazi raiva pasi paEngineer Elias Mudziri avo vakadzoserwa kubato kuti vashandire bato, vaive gurukota rezvekurongwa kwehupfumi vasati vaitwa gurukota rezvemhando dzemoto.

Mutauriri wemapurisa, VaWayne Bvudzijena, varamba kutaura nezvaVaMangoma. Asi gweta riri kumirira VaMangoma, Va Selby Hwacha, vati kutorwa kwaVaMangoma kune chekuita nemadomerwo akaitwa NOOA Petroleum kuti iuyise mafuta edzimotokari munyika. Vatiwo VaMangoma vangangomiswa pamberi pedare redzimhosva neChishanu.

Kusungwa kwaVaMangoma kunoitika apo nhengo dzeMDC, kusanganisirawo mumiriri we Nyanga North, VaDouglas Mwonzora, vari muhusungwa vachipomerwa mhosva yekukonzeresa mhirizhonga.

Zvakaitika neChina izvi zvakaoresa moyo wenhengo dzeMDC idzo dzanga dzakatarisira kuita mafaro ekusvitsa kwaVaTsvangirai makore makumi mashanu nemapfumbamwe.

Apo vanhu vanga vari kunetsekana nekusungwa kwaitwa VaMangoma, dare repamusoro soro, reSupreme Court, rapa mutongo wabaya pamoyo weMDC wekuti mutauriri wedare reparamende, VaLovemore Moyo, havana kusarudzwa nenzira kwayo.

Kusarudzwa kwaVa Lovemore Moyo kwakapikiswa mudare re High Court, nenhengo yeZanu PF inomirira Tsholotsho, Va Jonathan Moyo, asi dare iri rakarasa chikumbiro chava Jonathan Moyo, avo vakapikisa mutongo wedare iri mu Supreme Court.

Mutongo wedare iri unoreva kuti VaLovemore Moyo havachiri mutauriri wedare reHouse of Assembly.

Zvichitevera kusungwa kwaVaMangoma nematikitivha, pamwe nemutongo we Supreme Court wekuti VaLovemore Moyo havafanirwe kuva mutauriri weHouse of Assembly, mutungamiri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo rinogona kubuda muhurumende yemubatanidzwa nepamusana pezviri kuitika izvi. VaTsvangirai vakataura izvi pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare.

Dare reSupreme Court neChina rakarasa nyaya yange yakwidzwa kudare iri nevachuchusi vehurumende yekuramba kutambira kuchenurwa kwemubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett nedare reHigh Court.

VaBennett vaipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe

Nyaya yaVaBennett ichiri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa sezvo VaMugabe vari kuramba kuvatoresa mhiko semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzayambira kuti zvave kuitika izvi zvinogona kupa kuti hurumende yemubatanidzwa ibve yasvika kwamvura yacheka makumbo.

Vamwe vanoti vari kukatyamadzwa kuti pane makurukota akawanda ari muZanu-PF ari kuita zvehuori asi havasi kusungwa. Matare edzimhosva ari kunziwo ari kutonga achitarisa kuti wabuda mumba maani.

Mutongo weSupreme Court wekusatambira kudomwa kwaVaMoyo semutauriri wedare reparamende washorwa zvikuru nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo nematongerwo enyika dzichiti matare anofanira kuti avandudzwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, avo vanoshanda nesangano reInstitute for a Democratic Alternative for Zimbabwe vanoti mutemo wemuZimbabwe unorerekera divi rimwe chete.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaLivingstone Dzikira, vanotiwo MDC inongoridza mhere zvisina maturo kana nhengo dzayo dzasungwa

XS
SM
MD
LG