Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vanomiswa Mudare Muzuva reKutanga Kutongwa kweMhosva Yavari Kupomerwa


Kutongwa kwegurukota rinoona nezvemhando dzemoto, Va Elton Mangoma, kwatanga neMuvhuro mudare repamusoro. Va Mangoma, avo vari kupomerwa mhosva yokushandisa chinzvimbo chavo zvisirizvo mukutengwa kwakaitwa mafuta edzimotokari kune imwe kambani yeku South Africa muna Ndira, vapinda mudare vakaiswa cheni.

Vachisvitsa nyaya yehurumende kudare, muchuchisi wenyaya iyi, Va Chris Mutangadura, vati VaMangoma vakatyora mutemo we Criminal Law (Codification and Reform) Act pamwe nemutemo we Procurement Act pavakakonzeresa kuti kambani ye Petrotrade itenge mamiriyoni mashanu edhiziri kubva kukmbani yeku South Africa yeNooa Petroleum.

Asi VaMangoma pavabvunzwa nemutongi wedare, VaChinembiri Bhunu, kuti vanobvuma here mhosva dzavari kupomerwa, vapindura vachiti kwete.

Mufakazi wehurumende wekutanga panyaya iyi, uye vari munyori mukuru mubazi rezvemhando dzemoto, Va Justin Mupamhanga, vatura humbowo hwavo kudare vachiti pamusangano wavakaita sebazi rehurumende, VaMangoma vakataura zvakasimba kuti kambani yeNooa Petroleum yaizokwanisa kuunza mafuta munyika nenguva pfupi pakatariswa kushomeka kwakange koita mafuta edzimotokari muna ndira.

Va Mupamhanga vati VaMangoma vakanyorera akafanobata chigaro chekambani ye Petrotrade, iyo iri pasi pe Noczim, Va Griefshaw Revanewako, vachivaudza kuti vatenge dhiziri kukambani yeNooa Petroleum vasina kutevedza zvinodiwa nemutemo we Procurement Act.

VaMupamhanga vachabvunzurudzwa negweta raVaMangoma, Amai Beatrice Mtetwa, pakatarisirwa nyaya iyi kuenderera mberi mudare neChipiri.

Amai Mtetwa vagunun'una nekuiswa cheni muruwoko rumwe chete kwanga kwakaitwa Va Mangoma vari mudare. Muchuchisi wehurumende, Va Chris Mutangadura, vati vanga vasina kuzviona.

Va Bhunu vazoti Va Mangoma vasunungurwe cheni idzi vachiti vasungwa havafanire kutongwa vane ngetani.

Gweta raVa Mangoma raudza dare kuti pachaenderera mberi nyaya iyi, Va Mangoma vachazviburitsa pachena kuti dhiziri harina kutengwa kukambani yeNooa Petroleum sezviri kutaurwa nehurumende, asi kuti dhiziri rakatengwa kukambani ye Mowhelere Trading ivo vasina chavanoziva.

Zvichakadai, hurumende yati haina kugadziririra kupa mhinduro yayo pachikumbiro chakasvitswa kudare naVa Mangoma chekuti vatongwe vachibva kumba mushure mekusungwa zvakare kwavakaitwa nechishanu vachipomerwa mhosva yekusafambisa basa zvakanaka panyaya yekutengwa kwema mita emagetsi.

Rimwe remagweta aVa Mangoma, Va Selby Hwacha, vasvitsa chikumbiro chekuti chikumbiro chaVa Mangoma chekuti vatongwe vachibva kumba chinzwikwe sezvo Va Mangoma, senhengo yeparamende, vakatarisirwa kunovhota mudare reparamende neChipiri pakatarisirwa kuitwa sarudzo itsva yekutsvaga mutauriri weparamende zvichitevera kurambwa kwakaitwa kusarudzwa kwakaitwa Va Lovemore Moyo semutauriri wedare iri nedare repamusoro soro.

Asi gweta rehurumende panyaya iyi, Va Tawanda Zvekare, vati izvo hazvina basa sezvo VaMangoma vangoriwo munhuwo zvake akafanana nevamwe vasungwa.

Chikumbiro chekuti Va Mangoma vatongwe vachibva kumba chakatarisirwa kunzwikwa neChipiri.

XS
SM
MD
LG