Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vanobvisiswa Mari yeChibatiso Inoita $5000


Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto uye vari mutevedzeri wemubati wehomwe muMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Elton Mangoma, vabvumidzwa kubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro re High Court pamhosva yavari kupomerwa.

Va Mangoma vapinda mudare vakasungwa nekechemu, uye vakapfeka mbatya dzemutirongo. VaMangoma vari kupomerwa mhosva yokushandisa chinzvimbo chavo zvisiri izvo pakutengwa kunonzi kwakaitwa mafuta edzimotokari muna Ndira.

Mutongi wedare repamusoro, VaSamuel Kudya, vatura mutongo wekuti VaMangoma vabhadhare mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora eku America kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo. Dare ratiwo VaMangoma vanofanirwa kuzvipira kumapurisa epa Marlborough Police Station kamwe chete pasvondo.

VaKudya vatiwo VaMangoma havafanire kuvhiringidzana nevafakazi vehurumende panyaya iyi.

Mumutongo wavo, VaKudya vati hapana humbowo hwakasimba hunoratidza kuti VaMangoma vane mhosva yavakapara uye vati havawone hurumende iine nyaya yakasimba vachiti munhu wese munyika akange akatarisira kuna VaMangoma kuti vawone zvekuita nechimbichimbi pakamboshayikwa mafuta edzimotokari munyika muna Ndira.

VaKudya vatiwo kutambidzwa kwakaitwa Va Mangoma mapepa ekuvapomera mhosva, kana kuti indictment papers, kunoratidza kuti hurumende yainge yapedza kuferefeta nyaya iyi, nokudaro vati havaone chikonzero chekuti VaMangoma vasapihwe mukana wekuti vatongwe vachibva kumba.

Izvi zvinotevera zvanga zvasvitswa kudare nemuchuchisi wenyaya iyi, VaChris Mutangadura, zvekuti VaMangoma vasabvumidzwe kubhadhara mari yechibatiso sezvo vati vanga vachiona VaMangoma semunhu anogona kutiza munyika nyaya iyi isati yapedza kutongwa. Nokudaro, VaKudya vati VaMangoma vanofanira kusiya pasipoti yavo kudare. Mutongi wedare aenderera mberi achiti nhoroondo yaVa Mangoma haisi yemunhu angangotiza nyaya iyi isati yapedzwa kutongwa.

Pavasvitsa chikumbiro chaVa Mangoma kudare chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso, gweta ravo, VaSelby Hwacha, vati vanoona sokuti vana muzvinahofisi vekwa Attorney General vanga vakati nangananga nekuvharirisa Va Mangoma mujere sezvo ivo VaMangoma pachavo vachinzi vakamboenda kwa Attorney General vachiti vamwe vanhu vemubazi ravo vaferefetwe nepamusana pekusafambiswa zvakanaka kwakaitwa mari inoita mamiriyoni makumi matatu nemashanu emadhora ekuAmerica, asi hapana chakaitwa.

Va Mangoma vari kupomerwa mhosva yekunzi vakakonzeresa kuti kambani ye Petrotrade itenge mafuta kukambani yeku South Africa ye Nooa Petroleum nenzira inotyora mutemo.

Asi Va Kudya vabvumirana negweta raVa Mangoma kuti kambani ye Petrotrade haina kushambadzirwa kana kuti kugazetwa nehurumende sekambani inofanira kumirira hurumende pakutengwa kwemafuta uye vati vamwe vevafakazi vari kuda kuunzwa nehurumende kuzopa humbowo panyaya iyi, vanhu vanofanira kuonekwa sevanhu vakabatsira pakuparwa kwemhosva kana kuti accomplice witnesses.

Kutongwa kwaVaMangoma kwakatarisirwa kutanga musi wa 28 Kurume mudare repamusoro.

XS
SM
MD
LG