Accessibility links

Breaking News

VaMakamba Votanga Sangano Rinoshanda neVechidiki


President Barack Obama, Michelle Obama. AP
President Barack Obama, Michelle Obama. AP

Muzvinabhizinisi ane mukurumbira, Va James Makamba, vachishanda nezvimwe zvizvarwa zvemuSouth Africa nemuZimbabwe, vanoti sangano ravo reInspired By Barrack And Michelle Obama Foundation, IBBAMO, riri kushanda nevechidiki munyaya dzedzidzo.

Kutanga gore rinouya sangano iri richawedzera zvirongwa zvaro kuitira kuti vechidiki vawane rubatsiro rwekuwana nzvimbo dzekudzidza muzvikoro zvepamusoro soro muSouth Africa.

Sangano iri rinoti rakashanyira zvikoro zvemuZimbabwe richitaura nezvehurongwa hwaro kuvadzidzi.

Sangano re IBBAMO rakatangwa gore ra 2009 apo pakagadzwa Va Barrack Obama semutungamiri weAmerica.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano iri, Amai Agnes Hove-Chiweshe, vanoti vari kufadzwa nemafambiro ari kuita sangano ravo pari zvino uye vakatotanga zvirongwa zvekutsvaga mari muSouth Africa. Mai Chiweshe vanoti vane tarisiro yekuti gore rinouya zvirongwa zvavo zvichaunza pundutso kune vechidiki vazhinji vemuzvikoro zvemunyika.

XS
SM
MD
LG