Accessibility links

Breaking News

Vakuru Vezvimwe Zvikoro Vopomerwa Mhosva dzeHuwori


Sangano re Zimbabwe Schools Development Associations and Committees rinoti harisi kufara zvikuru nezviri kuitwa nevamwe vanotungamira mabasa emuzvikoro, avo vari kushandisa mukana uyu kuita zvehuori.

Vakuru ava vanonzi vari kuita huori pamari dziri kubhadharwa nevabereki mutungamiri wesangano iri, VaClaudio Mutasa, neChipiri vakati kune vamwe vakuru vari kushandisa mari dzechikoro nenzira isiri kwayo. Vanotiwo vamwe vari kunyepa vachiti vari kuhodha zvinhu zvichashandiswa pachikoro, asi vachityorera mari muhomwe dzavo.

Kunyange hazvo zvikoro zvizhinji zvine makomiti anoona nezvebudiriro anofanirwa kunge achiita basa rekutenga zvinhu muzvikoro, vamwe vatungamiri havasi kushandisa makomiti aya izvo zviri kukonzera huwori.

Mumwe mudzidzisi wekuGwanda, VaAgent Moyo, vanoti chinogona kuva chokwadi kuti izvi zviri kuitika muzvikoro sezvo pasina ruzivo rwakawanda rwemafambisirwo emari dzinobhadharwa muzvikoro.

Mumwe mubereki wekuMasvingo, ati anonzi VaMukanya vanoti vari kutarisana nedambudziko rehuwori muzvikoro zvakawanda munharaunda yavo. Vanoti dai hurumende yapindira kuitira kuti vabereki vasarambe vachibhadhariswa mari dzinozoshandiswa zvisiri pamurawo.

XS
SM
MD
LG