Komiti yeparamende inoona nezvekurima yabvunzurudza neChipiri vakuru veGrain Marketing Board, GMB, pamusoro pekushaikwa muzvitoro kuri kuita fetereza yepamusoro ye Ammonium Nitrate nezvimwe zvinodiwa kubatsira varimi asi zvichizowanikwa pamikoti.
Komiti iyi inoti haisi kufara nemashandiro ari kuita GMB kusanganisira nyaya dzechioko muhomwe nehuori hunonzi huri kuitika mu GMB makare.
Zvinonzi vakuru ve GMB vashanu, vachitungamirwa naVa Albert Mandizha, vaudza komiti iyi kuti zvirongwa zvavo zvizhinji zvekubatsira varimi zviri kukanganiswa nekuti hurumende ine chikwereti kuGMB chinosvika mamiriyoni gumi nepfumbamwe emadhora.
Vakuru veGMB vaudawo komiti iyi kuti hurumende ndiyo ine masimba ekuvaudza zvekuita panyaya yefetereza nembeu.
Imwe nhengo yekomiti yanga ichibvunzurudza vakuru ve GMB, Va Moses Jiri, vanoti Va Mandizha nevamwe vavo vavaudza kuti hurumende ndiyo inogara ichipindira mubasa ravo, zvikuru pakuti ndiani anofanira kupihwa fetereza, mbeu nezvimwe zvakadaro.