Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutevedzeri waMeya weMutare VaMkorera Vashaya

Vaimbove mutevedzeri wameya weguta reMutare, VaAdmire Mkorera, vashaya.


VaMkorera vakashaya neMuvhuro mangwanani kuchipatara che-Eland kwaMutare, uko vakaendeswa neMugovera svondo rapera vachirwara nemakumbo uye kupera simba.


Mutauriri wemhuri yekwaMkorera, VaEdson Muchadya, vanoti mhuri yemufi ichiri kunetsekana nekufa kwaVaMkorera sezvo urwere hwavo hwange hwoita kunge hwave nani. VaMkorera vange vari kanzura anomirira ward 15, iyo inobata misha yeDangamvura uye nzvimbo yeComplex. VaMuchadya vanoti VaMkorera vafa mushure mekurwara kwenguva pfupi.

VaMuchadya vanoti VaMkorera vange vaine chido chekuramba vachishandira bato ravo reMDC, kunyange hazvo vange vachipomerwa nevamwe vavo mubato mhosva yekuba chikafu parufu rwa Amai Susan Tsvangirai gore rapera. Izvi zvakapa kuti vabviswe nebato ravo, pachigaro chekuva mutevedzeri wameya weguta reMutare.

Sachigaro weMDC mu Ward 15 kwaimirirwa naVaMkorera mukanzuru, VaIsaac Chihota, vanoti varasikirwa nemunhu aishanda zvikuru mubato ravo uye pachanetsa kuti vawane achatsiva VaMkorera mumabasa avo ose.

Mutauriri weMDC mudunhu reManicaland, VaPishai Muchauraya, vatiwo bato ravo riri kushushikana zvakanyanya nerufu rwaVaMkorera. VaMuchauraya vati VaMkorera munhu aiva neshungu yekushandira guta reMutare zvikuru.
Meya weMutare, VaBrian Leslie James, vati vashamisika zvikuru nemashoko ekushaya kwaVaMkorera.

VaMkorera vashaya apo vange vakatarisira kudzorerwa pachigaro chavo chekuva mutevedzeri wameya weguta negurukota rwezvekutongwa kwematunhu nemaguta, VaIgnatius Chombo. VaChombo vakati kumiswa basa kwakaitwa VaMkorera gore rapera, kwaive kusiri pamutemo wezvekutongwa kwemaguta.


VaMkorera vakasarudzwa kuva kanzura we ward 15, mushure mekukunda VaLovemore Zhakata veZanu PF musarudzo dzegore ra 2008.

VaMkorera vange vava nemakore makumi mana rerimwe ekuberekwa, uye vasiya mudzimai, Patience, vana vanomwe, vakuwasha vaviri, nemuzukuru mumwe chete. VaMkorera vari kutarisirwa kuradzikwa kumarinda eku Yeovil neChitatu.

This item is part of
XS
SM
MD
LG