Accessibility links

Breaking News

VaGwisai neVamwe Vavo Vashanu Vanowanikwa Vaine Mhosva neDare


Vaimbova mumiriri weHighfield muparamende, uye vari mudzidzi wezvemitemo pa University of Zimbabwe, Va Munyaradzi Gwisai, nevamwe vavo vashanu vawanikwa nedare neMuvhuro vaine mhosva yekukurudzira veruzhinji kuti vakonzere mhirizhonga munyika vachishandisa nzira yezvakaitwa ku Egypt neku Tunisia gore rapera.

Vachitura mutongo wavo panyaya iyi, mutongi wedare ramejasitiriti, Va Kudakwashe Jarabhini, vati vawana VaGwisai nevamwe vavo vanoti vaimbove nhengo yeZimbabwe National Students Union, Va Hopewell Gumbo, nhengo yeZimbabwe National Students Union, Va Welcome Zimuto, nhengo yeZimbabwe Labor Centre, Tatenda Mombeyarara, Muzvare Antonnetar Choto pamwe nenhengo yeUnited Food and Allied Workers Union, Va Edson Chakuma vane mhosva.

Va Jarabhini vati kunyange VaGwisai nevamwe vavo vakaramba kuti vakambodoma Zanu PF neMDC pamwe nemazita evatungamiriri vemapato maviri aya, Va Robert Mugabe pamwe nemutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, kukanganwa hachinganzi chikonzero chinonwisa mvura.

Gweta revasungwa ava, Va Alec Muchadehama, vakumbira dare kuti vagodzoka kudare neChipiri kuti vasungwa ava vagozopa zvichemo zvekuti vapihwe mutongo wakareruka sezvo muchuchisi wehurumende, Va Michael Reza, vaudza dare kuti ndekekutanga kuti vasungwa vose ava vawanikwe vaine mhosva.

Mumwe wevasungwa ava, VaGumbo vanoti havana kufara nekuwanikwa kwavaita vaine mhosva.

Va Muchadehama vanotiwo havana kufara nemutongo waVa Jarabhini uye vati vachapikisa mutongo uyu kudare repamusoro.

Dare ranga rakazara nevanhu zvekupfachukira uye vanhu ava vanga vachisanganisira mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, Va Douglas Mwonzora, mutungamiri werimwe boka reZCTU, Va Lovemore Matombo, sachigaro weNCA, Va Lovemore Madhuku, pamwe nemunyori mukuru muProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Va Raymond Majongwe.

VaMajongwe vati havana kufara nekuunzwa kwaitwa mapurisa masikati pazopihwa mutongo uyu mushure mekunge mutongi wedare ambenge ati anga asina kugadzirira zvakakwana. Va Majongwe vati izvi zvinoratidza kuti nyaya haisi kutorwa sezvairi asi pave kupinzwa zvematongerwo enyika mukati.

VaGwisai nevamwe vavo vakasungwa muna Kukadzi gore rakapera vachipomerwa mhosva yekuita musangano pasi pesangano re International Socialist Organization, vaine chinangwa chekuronga kupidigura hurumende vachishandisa nzira dzokuratidzira dzakashandiswa kuEgypt nekuTunisia zvakakonzera kuti vatungamiri venyika mbiri idzi vasiye basa.

Vasungwa ava vakaramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti musangano wavakasungwa vachiita waiva wekuda kuwona kuti ndezvipi zvidzidzo zvingawanikwa nevashandi pamwe nevadzidzi kubva pane zvakaitika kuEgypt nekuTunisia zvavakati zvaiva zvisinei nekupidigurwa kwehurumende yaVaMugabe.

Vanhu ava vakatarisana nekukandwa mujeri kwemakore asingadarike gumi, kana kubvisiswa faindi isingadarike zviuru zviviri zvemadhora.

XS
SM
MD
LG