Accessibility links

Breaking News

VaGono Vanoti VaMawere naVaChinamasa Ngavataurirane Zvipere


Mukuru webanga guru munyika, reReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, vaudza komiti yeparamende inoona nezvemighodhi pamwe nemhando dzemoto, kuti mativi ese ari kurwisana panyaya yemighodhi yeShabani and Mashava Mines, kana kuti SMM, anofanirwa kutaurirana kuitira kuti mighodhi iyi itangise kushanda zvakare.


Vachipa humbowo kukomiti iyi maererano nekambani yeSMM iyo yakatorwa nehurumende, kubva kuna munazvinabhizimisi, Mutumwa Mawere, VaGono vati hazvibatsiri kuti hurumende pamwe naVaMawere varambe vachikakavadzana, uku vashandi vemakambani aya pamwe nemhuri dzavo vachidya nhoko dzezvironda.

Vatiwo nyika iri kurasikirwa nemari yakawanda nekutenga ma asbestos kubva kunze kwenyika asi ichikwanisa kuacherwa kubva kumighodhi iyi.

Vatiwo pane kutyirwa kuti mighodhi iyi inogona kudhirika kana gakava riri pakati paVaMawere nevakanzi vaone nezvekushanda kwemighodhi iyi, VaArafus Gwardzimba, rikaramba riripo.

VaGono vati gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, VaGwaradzimba pamwe naVaMawere vanofanira kugara pasi votaurirana pamwe nekuona kuti mighodhi iyi yomutsiridzwa sei.

Vati VaMawere vanofanira kusiyana nezvavari kuita zvekuswera kunyomba hurumende vobvuma zvakavakanganisa, ukuwo VaChinamasa naVaGwaradzimba vobvumawo kuti kunyange hazvo vakanzi nematare zvavakaita zvekutora kambani yaVaMawere zviri pamutemo, hazvisi kuzobatsira nyika nekuti mighodhi iyi yakatotvhara.

Vati kana izvi zvichinge zvaitika zvinopa mukana wenhaurirano dzekutsvaga gwara idzva rekumutsa kambani ye SMM. Vatiwo
zvakakosha kuti avo vane chido chekuchera ma asbestos, vapihwe mukana wekuita izvi.

Vati hurumende ndeye vanhu uye vanhu vekuMashaba neZvishavane vangafare chose kana mighodhi yeSMM ikavurwa nekuti vanenge vave kuwana mabasa pamwe nekukwanisa kuriritira mhuri dzavo.

Kambani yeSMM yakatorwa nehurumende muna 2004 uye pari zvino yakatovhara mushure mekunge VaGwaradzimba vatadza kufambisa basa mukambani iyi izvo zvakakonzera kuti vashandi vangangosvika zviuru zviviri varasikirwe nebasa.

Sachigaro vekomiti iyi, VaChindori Chininga, vaudza VaGono kuti komiti yavo iri kutsvaga nzira dzekuona kuti hurumende ingaite sei kuti kambani yeSMM itange kushanda zvakare.

XS
SM
MD
LG