Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuGlen Norah Vochenesa Guta Ravo


Vagari vemuGlen Norah B vanoti vari kufara nechirongwa chekuchenesa nzvimbo yavanogara icho vaita vakabatana nesangano re Harare Residents Trust pamwe nekanzuru yeHarare.

Mumwe mugari wemu Glen Norah B, Muzvare Lucy Rusere, vanoti shuviro yavo ndeyekuti hurumende idzike mitemo inosungira vanhu kuti vasarase marara pese pese, sezviri kuitika pari zvino.

Muzvare Rusere vanoti kushaikwa kwemitemo iyi kuri kuita kuti vagari vemunharaunda dzakasiyana siyana varase marara munzvimbo dzisingafanirwe kurasirwa marara.

Sangano reHarare Residents Trust riri kubatana nekanzuru yeHarare nevagari ve munharaunda dzakasiyana siyana muguta richikurudzira kucheneswa kwenzvimbo dzinogara vanhu.

Sangano iri rakaita chirongwa chakadai muKuwadzana Phase 3 neChipiri.

Sangano iri rinoti richange riri muHighfield neChishanu. Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vari kukurudzira vagari vemuHighfield kuti vauye vakawanda kuzoita muonera pamwe wekuchenesa guta ravo.

XS
SM
MD
LG