Mumwe chipangamazano munyaya dzechikafu pamwe nekudzivirirwa kwenzara anoti vagari vekumaruwa vanofanirwa kushanda nesimba kuitira kuti vakwanise kuzviriritira pachavo. Nyanzvi iyi inoti vanhu vanofanirwa kusiya tsika yekuda kurarama nekupiwa chikafu nemasangano akazvimirira ega.
Vachitaura kuvarimi vaive paKwekwe District Agriculture Show paVulindlela Centre kuSilobela nemusi weChina, food security and poverty alleviation advisor musangano rePlan International Zimbabwe, Va Bartholomew Mupeta, vakati nekuda kwekugara vachipiwa chikafu nemasangano akazvimirrira ega, vanhu vekumaruwa akasiyana-siyana munyika vave netsika yekupeta maoko vasisade kuzviriritira pachavo.
VaMupeta vakayambira kuti zvave kunetsa kuti masangano akazvimirira ega akaita sePlan International Zimbabwe awane mari yekuramba achipa vanhu chikafu nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi pasi rose, kunyanya kunyika dzakabudirira, idzo dzinowanzopa rubatsiro urwu.
Vakati nekuda kwekuona kuti kupa vanhu chikafu kunogona kuita kuti vashaye shungu dzekuzvishandira, izvo zvinogona kuwedzera kutambura muvanhu, masangano akazvimirira ega ave kukoshesa zvirongwa zvinopa vanhu ruzivo pamwe chete nezvikwanisiro zvinoita kuti vazvirimire chikafu vega pane kuti masangano aya ape vanhu chikafu ichi.
Pashoo iyi, varimi vemuSilobela nedzimwe nzvimbo dziri munharaunda, vakaratidza zvipfuyo zvinosanganisira mombe nehuku uyewo zvirimwa zvakasiyana-siyana.
VaMupeta vakati vakafadzwa nekuona kuti varimi vakawanda vave kushandisa mbeu dzisina kuuchikwa, vakati izvi zvinobatsira kuti vanhu vakunde nzara sezvo mbeu idzi dzisingade mvura yakawanda uye dzisingadhure pane mbeu dzakauchikwa.
VaMupeta vakakurudzira varimi kuti vatore basa rekurima sebhizimisi sezvo kurima kuri iko kunovararamisa.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru weAgriculture Extension Services mudunhu reMidlands, VaPeter Chamisa, vakatsinhirawo izvi, vakakurudzira varimi kuti vatsvage ruzivo munyaya dzekurima kumadhumeni anoshanda pasi pebazi ravo.
Pashowo iyi, pakapiwa mibairo kuvarimi vaviri vaive varatidza zvirimwa zvakanaka nemombe dzakanaka.
VaNdumiso Moyo, vekuLyon’s Village kana kuti Ward 3, muSilobela, avo vakawana mubairo wegejo mushure mekunge vanzi ndivo vakakunda vamwe varimi pakurima zvirimwa, vakaudza Studio7 kuti vakafadzwa zvikuru nekuwana mubairo uyu.
VaMoyo, avo vakati vari kutarisira kuwana matani gumi nemasere echibage pamahekita matatu, uyewo matani maviri enzungu pahekita imwe chete yavakarima mwaka wapfuura, vakati zvakakosha kuti varimi vaite mashoo akadai sezvo achivapa mukana wekupana mazano uyeo kuwana ruzivo kubva kunaana mazvikokota munyaya dzekurima.
Kwekwe District Agriculture Show yakatanga musi weChitatu, ikapera nemusi weChishanu. Zimbabwe yaive nemukurumbira munyaya dzekurima asi kutorwa kwakaitwa minda nechisimba kubva kuvarimi vechichena, kusanaya zvakanaka kwemvura, uye kuondomoka kwehupfumi hwenyika, kwakasiya nyika yave kurarama nekupemha.