Accessibility links

Breaking News

Vachuchisi Munyika Vanoramwa Mabasa


Vachuchisi vehurumende pamwe nana mabharani vemumatare edzimhosva vatanga kuramwa mabasa vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa nehurumende, izvo zvakonzera kuti pasave nenyaya dzinotongwa mumatare nhasi munyika yose.

MuHarare, vachuchisi ava varatidzira pamahofisi egweta guru rehurumende VaJohannes Tomana.

Varatidziri ava vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “taneta nehuwori”.

Munyori musangano reZimbabwe Law Officers Association, VaDereck Charamba, vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa.

VaCharamba vati pane chikiribidi chiri kuitwa chiri kukonzera kuti vanhu vane dzidzo yakafanana pamwe nezvinzvimbo zvakafanana vatambiriswe mari dzakasiyana.

Izvi zvatsinhirwawo naMuzvare Sarah Bosha avo vanga vari mumwe wevanga vachiratidzira ava avo vanoshanda samabharani mudare ramejasitiriti.

VaCharamba vati vatongi vematare vari kupihwa dzimwe mari nerweseri asi vachuchisi pamwe navana mabharani vasina chavari kupihwa.

VaCharamba vati nhengo dzesangano ravo dzicharamba dzichiramwa mabasa kusvikira nhunha dzavo dzagadziriswa.

VaTomana varamba kutaura nezvenyaya iyi uye vati titaure negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa.

Asi VaChinamasa vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Studio 7 haina zvakare kukwanisa kutaura nevePublic Service Commission kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Asi gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vati mari iri muhomwe yehurumende ishoma zvekuti hurumende haikwanise kubhadhara vashandi vayo mari dzavari kuda.

XS
SM
MD
LG