Accessibility links

Breaking News

VaChombo Vorambidza Mameya Kushanyira America


Gurukota rezvekutongwa kwemaguta nematunhu, VaIgnatious Chombo, varambidza mameya mashanu kushanya kuAmerica, vachiti rwendo urwu rwunopedza mari dzevagari vanobvisa mitero kumakanzuru.

Asi muzinda weAmerica unoti ndiwo wange uchibhadhara mari dzose kunze kweyematiketi endege chete.

Mutauriri wemuzinda weAmerica, Muzvare Jillian Bonnadeaux, vanoti mameya ange achadzidza zvakawanda sezvo ainge achizoshanyira maguta akasiyana siyana vachiona kuti basa rinoitwa sei.

Vati iri range riri danho rekuedza kugadzirisa hukama pakati peZimbabwe neAmerica zvichiteverawo musangano wakaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Charles Ray, gore rapera.

Mushure memusangano uyu muzinda weAmerica wakaronga musangano wemabhizimisi emunyika neemuAmerica wakauyiwa nedzimwe ngengo dzeZanu-PF dzakaita saVaChris Mutsvangwa nemudzimai wavo.

Mumwe musangano wakadai wakarongerwa gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi.

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaChombo kuti tinzwewo divi ravo rizere panyaya iyi. Asi mutevedzeri waVaChombo, VaCecil Zvidzai, vashora zvikuru danho ratorwa nemukuru wavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, avo vanoshanda nesangano reAfrica Reform Institute, vanoti VaChombo havana kukanganisa kana vachida kuti vanhu vasapedze mari yekanzuru.

XS
SM
MD
LG