Accessibility links

VaChombo Vokumbira Dare reDzimhosva Kuti Vatongwe Muchivande

  • Thomas Chiripasi

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, Va Ignatius Chombo, vasvitsa neMuvhuro chikumbiro mudare repamusoro chekuti vatori venhau pamwe neveruzhinji vasabvumidzwe kupinda mudare vachinzwa kutongwa kuri kuitwa nyaya yavo yekurambana nemudzimai wavo, Marian.


Mudzimai waVaChombo akaenda kumatare achiti vanofanira kugovana hupfumi huna VaChombo achiti VaChombo havangadye vega hupfumi hwavakaita vari vose.


Vachisvitsa chikumbiro ichi kudare, gweta raVa Chombo, Va Thabani Mpofu, vati nyaya yekurambana kwaVaChombo nemudzimai wavo inyaya yemumhuri mavo isinei nechokuita nevatori venhau pamwe neveruzhinji.


Va Mpofu vati VaChombo havasi kufara nemanyepo avanoti akanyorwa nemapepanhau pamusoro penyaya iyi, nokudaro havadi kuti vatori venhau varambe vachinyora nyaya iyi.

Asi gweta raAmai Chombo, Amai Beatrice Mtetwa, vapikisa chikumbiro ichi vachiti veruzhinji vakatomirira kuziva zvichabuda panyaya iyi sezvo VaChombo vari munhu ane chinzvimbo chikuru muhurumende.


Nokudaro, Amai Mtetwa vati hapana vatori venhau vanofanirwa kurambidzwa kupinda mudare kuti vagoudza veruzhinji mafambisirwo anenge achiitwa nyaya iyi.

Mutongi wedare, Amai Antonia Guvava, vati vachazotura mutongo wavo munguva pfupi yavasina kutara.

Zvichakadai, veruzhinji muHarare vanoti chikumbiro chaVa Chombo ichi kuedza kuda kuvhariridza kuti vanhu vasazive mawaniro avakaita hupfumi hwavo.

Mumwe ane pfungwa dzakadai, ndiAmai Netsai Matambo, avo vati VaChombo vanofanira kubuda pachena kana pasina zvavari kuvanza pamusoro pehupfumi hwavainahwo.

Amai Chombo vanoti pane dikita ravowo pahupfumi huna VaChombo, uho hunosanganisira masitendi emabhizinesi mumaguta mazhinji munyika, dzimba dzakapera kuvakwa pamwe nedzimotokari dzakawanda idzo vari kudawo.

Vagari vemuHarare vakamboratidzira vachiti VaChombo vanofanira kuferefetwa nepamusana pehupfumi hwavainahwo asi hapana chati chaitika.

XS
SM
MD
LG