Accessibility links

Breaking News

VaChiweshe Voshora VaGuvamombe Mabatiro Avakaita VaKurotwi


Mutungamiri wevatongi vematare edzimhosva, VaGeorge Chiweshe, vashora mapurisa pamwe nemutongi wedare ramejasitiriti, VaMishrod Guvamombe, nekusatevedzera mutongo wakaturwa nedare repamusoro neMugovera. VaChiweshe vataura izvi vachitura mutongo wavo pachikumbiro chakaitwa nemukuru we Core Mining, VaLovemore Kurotwi, chokuti hurumende itevedzere mutongo wakange waturwa nedare iri neMugovera panyaya dzavari kupomerwa.

VaKurotwi nevamwe vavo vashanu vari kupomerwa mhosva yokuita chikiribidi kuitira kuti vapihwe mvumo nehurumende yekuchera mangoda kuminda yekwaMarange.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chakasvitswa kudare naVaKurotwi, VaChiweshe vati mapurisa pamwe naVaGuvamombe vaifanira kutevedzera mutongo wainge waturwa nedare repamusoro.

VaChiweshe vati mapurisa aifanira kuendesa VaKurotwi kumatare edzimhosva musi weMugovera usati wadarika vachitevedzera mutongo wedare repamusoro izvo zvisina kuitwa nemapurisa. VaChiweshe vati mutongi wedare ramejasitiriti VaGuvamombe vaisafanira kunzwa nyaya yehurumende sezvo paiva nemutongo wedare repamusoro waitaura zviri pachena kuti VaKurotwi vaifanira kunge vasisiri mumawoko emapurisa pakadarika nguva yakange yatarwa nedare repamusoro kuti vamiswe pamberi pedare ramejasitiriti.

VaChiweshe vati matare emamejasitiriti haafaniri kuongorora mitongo inenge yaturwa nematare epamusoro sezvakaitwa naVaGuvamombe.

Mumutongo wavatura, VaChiweshe vati VaKurotwi vaburitswe mujeri nechimbichimbi uye hurumende inofanira kuzoenderera mberi nemasamanisi kana ichida kuti Va Kurotwi vatongwe nemhosva dzavari kupomerwa.

Zvichakadai, VaGuvamombe vati VaKurotwi vaburitswe mujeri zvichitevera mutongo waVaChiweshe uyu.

Panyaya yevamwe vari kupomerwa mhosva pamwe chete naVa Kurotwi, vakuru ve Zimbabwe Mining Development Corporation vakambomiswa basa vanoti VaDominic Mubaiwa, Va Ashton Sibusiso Ndlovu, Amai Gloria Mawarire, VaMark Tsomondo naVaJohn Tichaona Muhonde, Va Guvamombe varamba kuti Va Mubaiwa vabhadhariswe mari yechibatiso asi vakati vamwe vese vabhadhare mari inoita zviuru zviviri zvemadhora eku America kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Asi muchuchisi wehurumende amboshandisa mutemo we Section 121 we Criminal Procedure and Evidence Act kuti vanhu ava varambe vari muhusungwa vakamirira kuti hurumende ipikise mutongo uyu mudare repamusoro.

Zvichakadai, magweta evasungwa ava, ayo anga achitungamirwa na Advocate Lewis Uriri, akumbira dare kuti nyaya yekushandiswa kwemutemo ikwidzwe ku Supreme Court vachiti mutemo uyu unotyora kodzero dzerusunguko rwevasungwa. Chikumbiro ichi chabvumwa nedare zvichireva kuti nyaya iyi ichanzwikwa mu Supreme Court.

Nhengo yePolitburo ye Zanu PF uye vaimbova mutauriri webato iri, Va Nathan Shamuyarira, avo vanga vari mudare, vaudza vatori venhau kuti havana kufadzwa nekushandiswa kwaitwa mutemo we section 121 vachiti rusununguko rwevanhu rwunofanira kukosheswa zvikuru sei kana dare richinge ratonga.

XS
SM
MD
LG