Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti VaMnangagwa Vanofanira Kuzvininipisa Voita Nhaurirano Navo


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vakurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vasazvitutumadze vachiramba kuita nhaurirano navo vachiti ruzhinji rweZimbabwe rwasvika panguva yakaoma kubudikidza negakava riripo pakati pavo vari vaviri.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo nhasi, VaChamisa vati kutenderera kwavakaita nenyika yose mumavhiki maviri apfuura kwakaburitsa pachena kuti veruzhinji vari kunonga svosve nemuromo kuburikidza nekusamira zvakanaka kwehupfumi pamwe nenzara yakatarisana nenyika.

Kunyangwe hazvo gavhuna webhanga guru renyika VaJohn Mangudya vakati nyika icharamba ichishandisa mabond notes, VaChamisa vati zvatove nani kuti nyika idzokere pakushandisa madhora ekuAmerica.

VaChamisa vakurudzira VaMnangagwa kuti vasazvitutumadze zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika asi kuti vabvume kuita nhaurirano navo senzira yekupedza matambudziko akatarisana nenyika.

Zvataurwa naVaChamisa zvatsinhirwa nemutungamiri webato reLabour Economists African Democrats, Muzvare Linda Masarira, vati VaMnangagwa naVaChamisa vanofanira kutsvaga nzira dzekuti vagadzirisane nyika iwane kufambira mberi.

Mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo vaudza Studio 7 kuti kana VaChamisa vachida zvenhaurirano vanofanira kuuya kuPolad yakaparurwa naVaMnangagwa kare kuti itungamire nhaurirano dzemapato ose. Mashoko aya anotsinhirawo nemunyori munyaya dzezvemutemo muZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana. Asi VaChamisa vanoti zvePOLAD kutungana kwembudzi.

Panyaya yekuratidzira VaMoyo vati MDC yakasununguka kuratidzira asi inofanira kuita izvi murunyararo uye zviri pamutemo.

Imwe nhengo yeZanu PF, VaBright Matonga avo vakambove mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, vati hapasisina mukana wekuti VaMnangagwa naVaChamisa vagare pasi vari vaviri.

VaChamisa, avo vakati gore rino richave gore rekuratidzira zvakasimba, vati hurongwa hwavo uhwu hwave pachinhanho chepamusoro vachiti ruzhinji rweZimbabwe harwungakwanise kumirira sarudzo dzemuna 2023 izvo zvinhu zvakamira manyama amire nerongo munyika.

Asi VaMatonga vati havaone veruzhinji vachibvuma kupinda mumigwagwa vachiti hapana gakava riripo uye vacharatidzira vanogona kukuvarira mahara.

Pakaratidzirwa neveruzhinji muna 2018 pakakuvara vanhu vakawanda, vamwe vakasungwa uye vamwe vakapfurwa nevarikufungidzirwa kuti masoja.

Komisheni yakaongorora mhirizhonga iyi yakakurudzira kuti hurumende iferefete masoja anonzi akauraya vanhu asi hapana chati chaitwa parizvino.

NeMuvhuro sangano reEuropean Union rakakurudzirawo kuti paitwe nhaurirano dzisingasiye vamwe vanhu panze uye kuti vari muchiuto vanonzi vakakonzeresa mhirizhonga vaferefetwe vagomiswa pamberi pematare.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG