Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa pamwe nemutedzeri wasachigaro mubato ravo VaTendai Biti nemusi weMuvhuro vakapa humbowo kukomisheni iri kunoongorora nyaya yemhirizhonga yakaitika muHarare musi wa1 Nyamavhuvhu vachiramba kuti vaive nechekuita zvezvimhirizhonga.
VaChamisa vakati havana chavanoziva nezvenyaya iyi asi vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika nehurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanngagwa.
Vakatiwo munhu anoda zverunyararo uye mukuyedza kupedza bopoto munyika vakayedza kuita hurukuro naVaMnangagwa asi zvikaramba nekuti havana kupindura tsamba dzavakavanyorera.
Vakaudzawo komiti iyi kuti vakatomborohwa zvakaipisisa vakapotsa vafa panhandare yendege muHarare muna 2007. VaChamisa vakatiwo maoko avo akachena uye havana kana ropa ravakadeura muhupenyu hwavo. Vanotiwo havana kutumira vanhu kuti varatidzire.
Mashoko aVaChamisa akatsinhirwawo naVaBiti avo vakati zviri pachena kuti vanhu vakafa musi uyu vakauraiwa nemasoja pamwe nehurumende yeZanu PF iyo yavanoti ine nhoroondo yekuita zvemhirizhonga.
Asi vachipa huchapupu kukomisheni iyi mavhiki apfuura, vakuru vakuru vemauto vakaramba kuti vainge vaine chekuita nekupfurwa kwevanhu ava.
Vakati vanogona kunge vakapfurwa nevamwe vechidiki veMDC kana vamwe vanamuzvinabhizimisi vainge vasiri kufara nekupwanyirwa zvinhu zvavo nevanhu vairatidzira.
VaChamisa vakashora kudzimwa dzimwa kwainge kuchiitwa zvavaitaura nenhepfenyuro yeZBC.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaBiti vakarambawo mashoko ekuti vakaonekwa musi waitika mhirizhonga iyi vaine vaimbove mutungamiri wevechidiki mudunhu reHarare muZanu PF VaJim Kunaka avo vave nhengo yebato reNational Patriotic Front vachikurudzira veruzhinji kuti varatidzire.
Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume vati zviri kuitwa nehurumende inzira yekuda kuzvibisa bato ravo.
Hurumende inoti pakafa vanhu vatanhatu musi wakaratidzirwa uyu asi masangano anoshanda akazvimirira anoti vanhu vakafa musi uyu vanogona kudarika gumi sezvo vamwe vakafira munzira vachiendeswa kuzvipatara.
Facebook Forum