Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Kambani yeAnjin Haisi Kuunza Mari kuBazi Ravo


Gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vanoti havasi kufara nekusaunzwa kuri kuitwa mari inotengeswa mangoda ekwa Chiadzwa nekambani ye Anjin kubazi ravo.

VaBiti vanoti panoita sepane imwe hurumende yemuchivande iri kuona nezvekufambiswa kwemari inobva kuAnjin.

Vachitaura nevatori venhau pamusangano wavazivisa mamiriro akaita hupfumi hwenyika pari zvino, Va Biti vati chimwe chiri kunetsa ndechekuti bazi ravo harisi kutomboziva varidzi vekambani iyi, iyo yavati yakakura zvakapetwa kanomwe zvichienzaniswa nemamwe makambani ari kuchera mangoda kwa Marange.

Vati mamwe makambani aya ari kuunza mari kubazi ravo kunyange hazvo mari iyi iri shoma zvikuru.

Studio7 haina kukwanisa kutaura neve Anjin kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Kambani yeAnjin yemubatanidzwa pakati pehurumende yemuZimbabwe nekambani yekuChina.

Sezvo hurumende ichida mari yemangoda kuitira kuti ikwanise kuita mamwe mabasa kuitira kuti nyika ifambire mberi, Va Biti vati vangangoongorora zvakare bhajeti renyika sezvo bhajeti regore rino rakaumbwa pakatariswa mari ichabuda mukutengeswa kwemangoda.

Panyaya yesarudzo dziri kunzi nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nebato ravo re Zanu PF dzinofanirwa kuitwa gore rino, Va Biti vadzokorodza zvakare kuti homwe yehurumende yakabooka zvekuti hurumende haitorina mari yekubhadhara vashandi vayo.

VaBiti vatiwo nyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuvhiringa zvikuru kusimukira kwehupfumi hwenyika.

XS
SM
MD
LG