Accessibility links

Breaking News

VaMohadi naVaMutsekwa Vanobvunzurudzwa naVaTsvangirai


VaTsvangirai vanoti mapurisa haafanire kushungurudza makanzura ari kuita basa rawo

Mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vakadaidza neMuvhuro makurukota maviri anoona nezvemuati menyika – Va Giles Mutsekwa naVa Kembo Mohadi – vachiratidza kunyunyuta kwavo pamusoro pekushungurudzwa kuri kuitwa makanzura eHarare nemapurisa.

Makanzura aya ari kunetswa nemapurisa mushure mekuburitsa kwaakaita gwaro rinoratidza kuti gurukota rezvematunhu, Va Ignatius Chombo, pamwe namuzvinabhizimisi, Va Phillip Chiyangwa, vakatengeserwa nzvimbo dzekuvakira mu Harare zvisiri pamutemo, uye nemari shomanana.

Va Tsvangirai vakasangana nemakurukota maviri aya ndokuzosanganawo nemakanzura aya. Kanzuru yeHarare iri kuti VaChiyangwa naVa Chombo vanofanirwa kusungwa, uye imba yakatengeserwa vakambobata chigaro chameya weHarare, Muzvare Sekesayi Makwavarara, ngaidzoserwe kukanzuru, sezvo yakatengeswa zvisiri pamutemo.

Makanzura eHarare ari mukomiti yakaita ongororo iyi, akasungiswa naVaChiyangwa svondo rapera, vachipomerwa mhosva yekusvibisa zita raVaChiyangwa.

Komiti yekanzuru iyi inotungamirwa nakanzura weMt Pleasant, VaWarship Dumba.

Vazhinji vakakatyamadzwa kuti sei mapurisa ainge osunga vakaburitsa huori, achisiya vari kupomerwa mhosva dzekuita huori.

Vakafanobata chigaro chameya weHarare, Amai Charity Bango, vakasvitsa nyaya iyi kumapurisa neMuvhuro, vachiti vari kuda kuti mapurisa asunge vose vari kupomerwa mhosva yehuori nekomiti yekanzuru iyi.

VaMutsekwa vanoti vari kudaidza mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, kuti vatsanangure zviri kuita vasati vadzokera kuna VaTsvangirai.

XS
SM
MD
LG