Accessibility links

Breaking News

Vari Kubatwa neHIV Voramba Vachiwanda muZimbabwe


Hurumende inoti huwandu hwevanhu vakabatwa neHIV kusvika pari zvino hwasvika pazviuri makumi matanhatu, kana kuti 60,000.

Gurukota rezvehutano nekuchengetedzwa kwakanaka kwevana, Va Henry Madzorera, vanoti vari kushushikana nehuwandu hwakadai.

Va Madzorera vanoti nyika iri kuedza nepese painogona napo kudzidzisa veruzhinji kuitira kuti kupararira kwehutachiwona hweHIV kudzikire munyika.

Pane mashoko anotiwo kushandiswa kwemakondomu muZimbabwe kwakadzikira pasi gore rino kana zvichienzaniswa nemakore apfuura.

Bato reMDC-T rinoti vanhu vanosvika zviuru zvishanu vari kufa neHIV/AIDS. Asi mamwe masangano anoongorora nyaya dzeHIV/AIDS anotiwo huwandu hwevanhu vari kutaurwa neMDC hwakawandisa.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti mugore ra 2001 muZimbabwe makange muine vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nemazana matatu ezviuru vanoraramba neHIV/AIDS. Asi mushure memakore matanhatu, huwandu uhu hunonzi hwakadzikira kusvika pamiriyoni imwe chete nemazana matatu ezviuru, zvichireva kuti vanhu miriyoni imwe chete vakafa mumakore matanhatu aya.

XS
SM
MD
LG