Accessibility links

Breaking News

VaAhmadinejad Vosvika Munyika Paine Mutauro


Mutungamiri weIran, VaMahmoud Ahmadinejad, vakasvika muZimbabwe nemusi weChina murwendo rwavo rwekunovhura neChishanu zviri pamutemo, Zimbabwe International Trade Fair yegore rino.

Va Ahmadinejad vakatambirwa nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, pamwe chete nemakurukota ebato ravo reZanu PF pakuswika kwavo kuHarare International Airport. Vamwe vemakurukota aya vanosanganisira gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Vawebster Shamu, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, navamwe.

Asi mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemakurukota emapato maviri eMDC, haana kuenda kunochingamidza VaAhmadinejad.

MDC inotungamirwa navaTsvangirai iri kushora zvikuru kushanya kwaVa Ahmadinejad kuZimbabwe, ichiti rwendo urwu ruchakanganisa zvikuru matanho ehurumende akanangana nekumutsidzira kudyidzana kweZimbabwe nenyika dzakabudirira.

MDC yakaburitsawo gwaro rinoshora VaMugabe humbimbindoga hwavakaita pakukoka VaAhmadinejad, vasina kutaurirana naVaTsvangirai. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaTsvangirai vachange vasipo kuTrade Fair neChishanu paichavhurwa naVaAhmadinejad.

Zvinonzi VaMugabe naVaAhmadinejad vachanyorerana pasi zvibvumirano zvekuti nyika dzavo dzidyidzane munyaya dzehupfumi, kurima, mhando dzemoto, kugadzirwa kwezvinhu mumafekitari.

Nyanzvi inoongorora zvematongero enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti kushanya kwaVaAhmadinejad kuri kukonzera mutauro sezvo Iran iri nyika inoonekwa seinotyora kodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG