Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inokorokotedza VaObama


Zvizvarwa zve Zimbabwe zvabatana nezvizvarwa zvemuAmerica mukupemberera kusarudzwa kwechipiri kwaitwa Va Barack Obama semutungamiri weAmerica vachikunda VaMitty Romney veRepublican Party.

Izvi zvanga zvichiitwawo padandemutande re internet pa facebook pamwe nepa twitter.

Vamwe vanga vakapfeka zvipfeko zvine mifananidzo yechiso chaVa Obama uye vamwe vanga vachiimba vari pedyo nemuzinda weAmerica muHarare.

Amai Thelma Mashonganyika, avo vanogara kuMbare muHarare, vati vafadzwa zvikuru nekusarudzwa kwaVa Obama kuti vatonge America kwetemu yechipiri.

Mutungamiri wesangano re Elected Councillors Association of Zimbabwe, VaWarship Dumba, vati mafambisirwo akaitwa sarudzo dzekuAmerica anofadza zvikuru zvekuti chitsvambe chave kuhurumende ye Zimbabwe kuti iite sarudzo dziri pachena sedzakaitwa muAmerica.

Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvevashandi avo vakadzingwa muZanu PF, Amai Tracy Mutinhiri, vati vafara zvikuru nezvaitwa naVaRomney zvekubvuma kuti vakundwa musarudzo vachiti izvi ndizvo zvinofanirwa kuitwa muZimbabwe pose panoitwa sarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano idzva rezvekodzero richionawo nezvehutongi hwejekerere, re Zimbabwe Democracy Institute, Va Pedzisai Ruhanya, vatiwo nyika dzemuAfrica pamwe nepasi rose dzinofanira kutevedzera mafambisirwo akaitwa sarudzo ku America vachiti zvido zveveruzhinji zvinofanira kuremekedzwa.

Va Ruhanya vati chinofadza ndechekuti havana kumbonzwa masoja achipindira munyaya dzezvematongerwo enyika musarudzo dzekuAmerica sezvinoitwa muZimbabwe.

Zimbabwe yakatarisirwa kuita sarudzo gore rinouya, asi veruzhinji vanotanga kuita mudumbu nguva dzose nekutya pose panenge potaurwa nezvesarudzo, sezvo sarudzo dzemunyika dzichigara dzakaita mhirizhonga.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG