Accessibility links

United Nations Inoti Zimbabwe Inoda Imwe Mari yeRubatsiro rweVanoshaya

  • Jonga Kandemiiri

Masangano anopa rubatsiro munyika achishanda pamwe nesangano reUnited Nations, anoti Zimbabwe yava kuda rumwe rubatsiro rwemari inoita mamiriyoni makumi manomwe nematatu emadhora, pamusoro pemamiriyoni mazana mana ane gumi yaimbodiwa, kuti ikwanise kubatsira vanoshaya gore rino.

Izvi zvakaziviswa neChipiri muHarare kumusangano wekuparura chirongwa chekutsvaga rubatsiro chakaitwa nemasangano anobatsira.

Kusvika pari zvino masangano aya akwanisa kuunganidza zvikamu makumi matatu nezviviri kubva muzana zvemari yanga ichitarisirwa kubva pakutanga kwegore.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti kusanaya zvakanaka kwemvura mumatunhu akawanda zvichaita kuti mamwe matunhu ade rubatsiro nekukasika.

Mutauriri weUnited Nations Office for the Coordination of Humanitarian Affairs muZimbabwe, Muzvare Matilda Moyo, vanoti matambudziko ari mune dzimwe nyika anogonawo kunge achiita kuti Zimbabwe iwane rubatsiro rushoma.

Mukuru weNANGO, VaCephas Zinhumwe, vati hurumende haina kukasika kuzivisa kuti yakatarisana nedambudziko, izvo zvakaita kuti masangano anobatsira anonokewo kumhanyamhanya.

XS
SM
MD
LG