Accessibility links

Breaking News

UNICEF Inokurudzira Kuti Vana Vayamwiswe Zvakanaka


Sangano reUNICEF rinoti riri kukurudzira madzimai ari kuyamwisa kuti ayamwise vana vavo kwenguva yakati kuti kubva pavanoberekwa kuitira kuti vave nehutano hwakanaka.

Sangano iri riri kukurudzirawo vedzisvondo, hurumende pamwe nemasangano akazvimirira kuti vabatsire mukuparidzwa kwekurudziro iyi.

Mashoko aya anotevera ongororo yeZimbabwe National Nutrition Survey 2010 yakaitwa nesangano reFood and Nutrition Council, yekuti huwandu hwemadzimai ari kuyamwisa vana vavo hwaderera nezvikamu makumi maviri kubva muzana, huchibva pazvikamu makumi maviri nezvitanhatu kuenda pazvikamu zvishanu nechidimu kubva muzana.

UNICEF inoti zvinokurudzirwa ndezvekuti madzimai ayamwise vana vavo kwenguva ingaita mwedzi mitanhatu zvayo vasati vavarumura. Sangano iri rinoti vazhinji vevana vari pasi pemakore mashanu vari kubatwa nezvirwere zvinokonzerwa nekusayamwa kwakakwana.

Mukuru wesangano iri muZimbabwe, Doctor Peter Salama, vaudza Studio7 kuti chikonzero chikuru chakaonekwa neongororo iyi chiri kuita kuti madzimai asayamwisa vana vavo kutya kutapurira vana ava hutachiona hweHIV.

Asi sachigaro veZimbabwe Doctors for Human Rights, Doctor Douglas Gwatidzo, vanoti kuyamwisa mwana kunobatsira kusunga hukama pakati paamai nemwana wavo mucheche.

XS
SM
MD
LG