Mutungamiri we MDC , Va Morgan Tsvangirai, vashanyira nhengo dzebato mumusha unogara veruzhinji weBudiriro mu Harare dzakarohwa nenhengo dzeZanu PF mukupera kwesvondo vakakurudzira kuti munyika muve nerunyararo.
Va Tsvangirai nhasi vashanyira nhengo dzebato ravo mumusha we Budiriro idzo dzakatsvaga hupoteri pamba penhengo ye MDC-T inomirira nzvimbo iyi muparamende mushure mekurohwa kwadzinonzi dzakaitwa nenhengo ye Zanu PF.Pasvika Va Tsvangirai muBudiriro, nhengo dzeMDC-T dzabva mudzimba ndokuenda panga paina Va Tsvangirai nevakarohwa ava dzichiimba.
Va Tsvangirai vashora kurohwa kwakaitwa nhengo dzavo nevanofungirwa kuti inhengo dze Zanu PF.
Mumwe wevakarohwa ava, Va Doen’tmatter Mawana, avo vanga vakazara mavanga kumeso kwese, vaudza Va Tsvangirai kuti vakarohwa nenhengo dzeZanu PF vakazvuzvurudzwa vasina kupfeka vakazonosiyiwa kumapurisa vatove musungwa.
Mumiriri weBudiriro muparamende, Va Costa Machingauta, vatiwo chiri kunetsa muBudiriro ndechekuti mapurisa ndiwo anenge ari pamberi panorohwa vanhu nenhengo dze Zanu PF uye vanoti Zanu PF yatova nekamuzinda kayo panzvimbo yemabhizimusi pa Budiriro 5.
Zvichakadai, Va Tsvangirai vakurudzira kuti munyika muve nerunyararo. Vakurudzira vechidiki vebato ravo kuti vasakonzerawo mhirizhonga vachiti kurwisana hakuna zvakunobatsira.
Pavapedza kuona vanhu vanomwe vakarohwa ava, Va Tsvangirai vaendawo kukamUzinda ke Zanu PF kari panzvimbo yemabhizimusi pa Budiriro 5 panonzi pari kushungururudzirwa vanhu nenhengo dzeZanu PF. Zvinonzi vemakombi vari kubhadhariswa mari neZanu PF kuti vakwanise kushanda uye vanotengesa mumisika vari kumanikidzwa kuenda kumisangano ye Zanu PF.
Va Tsvangirai vanga vachiunganirwa nevanhu pazvitoro izvi vanga vachivafarira asi mufaro uyu hauna kuzotora nguva sezvo nhengo dzeZanu PF dzanga dziri pakamuzinda aka dzabva dzatanga kupopota vamwe vachishandisa mazwi atisingakwanise kuburitsa pamhepo.
Zvichakadai, vakarohwa ve MDCT ava vanoti sachigaro wevechidiki mupurovhinzi ye Harare mu Zanu PF, Va Godfrey Gomwe, ndivo vari kukonzera mhirizhonga muBudiriro asi Va Gomwe vanoti Va Machingauta ndivo vari kukonzera mhirizhonga iyi.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaGomwe kana kumutauririo weZanu PF, Va Simon Khaya Moyo.
Va Tsvangirai pamwe nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanogara vachikurudzira kuti nyaya dzemhirizhonga munyika dzipere asi zviri kuita sekunge vatsigiri vavo vari kuisa zvimiti munzeve.