CHIPINGE —
Mutungamiriri weMDC, uye vari mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vashoropdza zvakasimba madzishe anoita zverusarura pakugoverwa kwechikafu. VaTsvangirai vataura mashoko aya neChina pakuvigwa kwenhengo yavo kuChipinge, seneta Josiah Mukayi Rimbi, avo vakashaya neMuvhuro.
VaTsvangirai vati VaRimbi vaiva mutungamiri ange asina rusarura mukuita kwake basa, uye ari munhu aiziva kugara zvakanaka nevamwe. Mutungamiri weMDC arumbidza zvikuru mabasa akaitwa naVaRimbi vachiri vapenyu, vakataurawo nezvechiremekedzo chaipihwa mufi nevanhu vemunharaunda mavo.
VaTsvangirai vatorawo mukana uyu kuudza vanhu kuti madzishe anofanirwa kumirira munhu wese, kwete kuita rusarura zvikuru pakugoverwa kwechikafu.
Vachitaurawo pakuvigwa kwaVaRimbi, sachigaro veNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vatenda hutungamiriri hweMDC neruremekedzo rwapihwa seneta Rimbi.
VaMadhuku vati seneta Rimbi vaive mudzidzisi wavo apo vakaenda kuchikoro.
VaRimbi vasiya mudzimai wavo Joyce, vana vanomwe, nevazukuru gumi nemumwe. Vanhu vanopfuura zviuru zviviri vabva kumapato akasiyana siyana vaona VaRimbi vachivigwa.