Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Hapana Kudzokera Shure paNyaya yeBumbiro


Mutungamiri weZimbabwe, VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weZimbabwe, VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzopinda munhaurirano nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pagakava riripo pagwaro rebumbiro remitemo yenyika.

Vachitaura nevatori venhau pamahofisi avo ehurumende ari paMunhumutapa Building neChipiri, VaTsvangirai vati gwaro rebumbiro rakaburitswa neCOPAC ndiro chete rinofanirwa kuendeswa kureferendamu kuti pawonekwe kuti veruzhinji vanorida here kana kuti kwete.

Mashoko aVaTsvangirai aya anotevera gwaro rebumbiro idzva rakanyorwa neZanu-PF ichiti haisi kufara nezvinhu zvizhinji zviri mugwaro reCOPAC iri.

VaTsvangirai vati vatungamiri vemapato ari muhurumende kana rimwe bato rimwe chete zvaro harina simba rekuchinja zvakaiswa mugwaro rebumbiro rakanyorwa neCOPAC mushure mekubvunzurudza veruzhinji zvavanoda kuti zvinge zviri mubumbiro remitemo.

VaTsvangirai vati chingatokwaniswa kuitwa neZanu-PF kutsvaga rutsigiro rwekuti bumbiro iri rirambwe neveruzhinji pareferendamu.

Zvichitevera gakava ravapo pakati pe Zanu PF nemapato maviri eMDC ari hurumende pamusoro pegwaro rebumbiro iri, chitsvambe chave kusangano renyika dziri kuchamhembe kwe Africa, reSADC, kuti nyaya iyi igadziriswe.

Panyaya yekuburitswa kwemashoko, VaTsvangirai vati havasi kufara nekunonoka kuri kuitwa kugadziriswa nyaya iyi kuitira kuti vatori venhau pamwe nemakambani anoburitsa nhau, vaite basa ravo vakasununguka pamberi pesarudzo.

Vachipindura mubvunzo wekuti chii chavachaita kana VaMugabe neZanu-PF vakashevedzera sarudzo vachishandisa bumbiro remitemo riripo ikozvino, VaTsvangirai vati havawone VaMugabe vachityora mutemo nekuita izvi.

Vati bumbiro rinofanira kushandiswa kana gwaro rebumbiro rakanyorwa neCOPAC rarambwa pareferendamu ibumbiro reLancaster iro rakavandudzwa kagumi nekapfumbabwe.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMugabe avo vari kuIran kwavari kupinda musangano we Non-Aligned Movement.
XS
SM
MD
LG