Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Zvoramba Zvichioma Muzvipatara zveHurumende


Parirenyatwa Hospital Harare During Magombeyi Protest
Parirenyatwa Hospital Harare During Magombeyi Protest

Mwana ane mwedzi gumi nemumwe chete ashaya nhasi kuchipatara cheParirenyatwa mushure mekushaya rubatsoro sezvo pachipatara apa pasina vana chiremba vakakwana.

Studio 7 yasangana nezvinorwadza apo yanga ichiongorora mamiriro akaita zvinhu paParirenyatwa.

Mwana aonekwa neStudio7 achifa, afira mumupanda unoitirwa resuscitation, umo manga muina chiremba mumwe chete.

Vamwe varwere vanga vari mumupanda uyu, vachema vachiona mwana uyu achirasikirwa nehupenyu hwake.

Amai vemwana uyu nedzimwe hama dzanga dzauya, vachema zvinopisa tsitsi.

Kunyange hazvo amai vemwana uyu vasina kuda kutaura pamhepo, vaudza Studio7 kuti mwana wavo anga achidurura, uye vakange vambouya naye kuchipatara Chipiri chapfuuura, asi vakashaya rubatsiro sezvo kwaive kusina vana chiremba.

Amai vemwana uyu vatiwo dai mwana wavo anga aonekwa nana chiremba, angadai asina kufa.

Imwe hama yange iripo yatiwo kunyange hazvo mwana uyu akauya kuParirenyatwa nezuro, afa asati aonekwa nachiremba.

Kushaya kwaita mwana uyu, munongedzo kune zvakawanda zviri kuitika muzvipatara zvehurumende munyika yose.

VaStanley Pasi, avo vanga vaine mudzimai wavo, vati vatozorapwa mushure mekunge mumwe murwere audza mukoti ange avataurira kuti chiremba haachakwanisi kuona vamwe vanhu kuti ange ave kufonera gurukota rezveutano.

VaPasi vati dai vana chiremba vaita mwoyo murefu kuitira kuti vabatsire varwere.

Pazopinda Studio7 mudzimba dzevarwere panguva dzemasikati, varwere vakawanda vange vachisiririsa vachiti vave nemazuva ane chitsama vasina kuonekwa navanachiremba.

Mumwe murume anga auya kuzoona murwere ada kuzivikanwa nezita rekuti Tawanda, ati murwere wavo ave nemazuva mana asina kumboona chiremba.

Tawanda ati muWard mune hama yake muri kufiwa zvinotyisa. Atiwo dai hurumende yapa vanachiremba mari dzavari kuda kuitira kuti vadzokere kumabasa.

Izvi zvatsigirwawo naVaEl Gibboo vataurawo kuti mai vavo vari muchipatara vari kurwadziwa. VaGibbo vati kunyangwe zvazvo mamwe mapiritsi aimwiwa naamai vavo apera, havasi kukwanisa kutenga mamwe sezvo vachifanirwa kunyorerwa nachiremba kuti vagone kuatenga.

Vamwewo amai vada kuzivikanwa nezita rekuti Kukuwe vati zvinosuwisa kuti hapana rubatsiro rwavanokwanisa kupa hama yavo iri muchipatara.

Vana chiremba vanoti havana zvikwanisiro zvekuti vaende kumabasa.

Asi izvi zvakazowedzerwawo nekupambwa kwakaitwa vakafanobata chigaro chemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors’ Association, Dr. Peter Magombeyi, avo vakazowanikwa neChina manheru.

Vakasanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiriri weZimbabwe Hospital Doctors’ Association, Dr. Masimba Ndoro, vati kunyange hazvo Dr. Magombeyi vakawanikwa, vanachiremba havana mari yekuti vaende kumabasa.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezveutano, VaObadiah Moyo, kuti tinzwe matanho ari kutorwa nehurumende.

Asi VaMoyo vakati vachaisa vana chiremba vekumauto nemapurisa muzvipatara zvehurumende kuitira kuti vabatsire mukurapa varwere.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG