Accessibility links

Breaking News

Studio7 Inodomwa seNhepfenyuro Inoburitsa Chokwadi


programs-studio7
programs-studio7
Ongororo yedzinhepfunyuro nemapepanhau emuZimbabwe yakaitwa nesangano reMedia Monitoring Project of Zimbabwe, MMPZ, inoratidza kuStudio 7 yeVoice of America neZiFM ndedzimwe dzenhepfenyuro dzinoburitsa nhau dzakajeka uye dzechokwadi muZimbabwe.

Izvi zviri mugwaro raburitswa neMMPZ rinonzi Media Credibility Index Zimbabwe, iro rakaitwa zvichitevera ongororo yenhepfenyuro nemapepanhau yakaita kubva muna Kubvumbi kusvika muna Chikumi gore rino.

Vachiparura zvakabuda muongororo iyi neChipiri manheru, vanoona nezvekuifambiswa kwebasa muMMPZ, Amai Sibusisiwe Dube, vakati zvakaonekwa kuti nhepfenyuro ndidzo dzinoburitsa nhau dzechokwadi kudarika mapepanhau.

Panhepfenyuro dzakaongororwa dzinoti Studio 7, ZiFM, Zimbabwe Television, Star FM ne Short Wave Radio Africa, zvakaonekwa kuti Studio 7 ne ZiFM ndidzo nhepfenyuro dzinoburitsa nhau dzakajeka kudarika dzimwe dzese.

Zvakaonekwawo kuti nyaya dzese makumi mapfumbamwe nesere dzakaburistwa neStudio 7 panguva iyi dzainge dzakajeka uye dziri dzechokwadi.

Pamapepanhau anodhindwa mazuva ose, Daily News ndiro rinovimbika zvakanyaya richiteverwa neNewsDay kuzouya Herald.

MMPZ inoti panguva yayakaita ongororo iyi bepanhau re Herald ndiro rakaburitsa nyaya dzakati wandei dzange dzisina chokwadi kana kuti dzisina humbowo.

Zvakaonekwawo kuti pamapepanhau anodhindwa pasvondo bepanhau reThe Standard ndiro rinonyatsoita basa nemazvo.

Zvimwe zvikuru zvakabuda ndezvekuti Studio 7 inoburitsa nyaya yataura nevanhu, uye inoteverwa ne ZiFM pakuita izvi. ZiFM inhepfenyuro yakavambwa neaimbove mutori wenhau kuZBC, VaSupa Mandiwanzira.

Herald ndiyo inonyanyoburitsa nhau isangadome vanenge vaipa nhau idzi kana kuti unnamed sources.

MMPZ inoti mapepanhau nenhepfenyuro dzehurumende akaita seHerald, Sunday Mail neZTV haana kuvimbika kana zvichienzanwisa nemapepa nenhepfenyuro dzemamwe makambani akazvimirira.

Vanotiwo rimwe dambudziko guru nderekuti nhau dziri kuburitswa dzinoratidza mativi akarekera mapenhau aya kana nhepfunyuro idzi.

Mukuru weMedia Centre, VaErnerst Mudzengi, vanoti ongororo ndeyechokwadi asi vanopokana nayo zvishomanana.

Nhengo yekomiti yeMedia Instutitue of Southern Africa – Zimbabwe, VaStanley Kwenda, vanotiwo ongororo iyi inoratidza kuti zvakakosha kuti mashandiro evatori venhau avandudzwe.

Nyaya yekuvandudzwa kwemashandiro evatori vanhau nemakambani ehurumende akaita seZBC pamwe neZimbabwe Newspapers ndeimwe yezvinhu zvaifanira kugadziriswa nehurumende yemubatanidzwa. Asi izvi zvakakona n'anga murapwa achida.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG