WASHINGTON —
Misoro yenhau dzanhasi, Chitatu, Gumiguru, 14, 2015
Amai Grace Mugabe voita musangano kuRushinga vachiti havana chikwata chavanotungamira muZanu-PF vachityisidzira kuti Mashonaland Central inzvimbo yakaberekera ingwe.
Mumwe wevatevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti havazivi kuti makurukota ehurumende ayenda kumusangano waAmai Mugabe ange apihwa mvumo nani.
Vanotengesa mumigwagwa yeHarare vakasungwa mumhirizhonga yekurwisana nemapurisa ekanzuru vomiswa pamberi pedare.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30 pm tiri kutarisa nezvemisangano yaAmai Grace Mugabe nekunetsana kuri muZanu-PF.
Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave. Munokwanisawo kutiwana paFacebook Page yedu yeVOA Shona.