Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoshora Mabatiro eSouth Africa Zvizvarwa zveDzimwe Nyika


Shani Davis of the U.S. skates in the prototype of the official US Speedskating suit during a training session at the Adler Arena Skating Center at the 2014 Winter Olympics, Feb. 14, 2014.
Shani Davis of the U.S. skates in the prototype of the official US Speedskating suit during a training session at the Adler Arena Skating Center at the 2014 Winter Olympics, Feb. 14, 2014.
Nzvimbo inochengeterwa vanhu vari kuda kudzingwa mu South Africa, ye Lindela Repatriations Centre, yaona zvizvarwa zvakawanda zveZimbabwe pamwe nedzimwe nyika, zvichishungurudzwa panzvimbo iyi zvisati zvaburitswa muSouth Africa nechisimba.

Muzuva redu rechipiri rekutarisa zviri kuitika pazvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvatyora mitemo yekupinda pamwe nekugara mu South Africa, Studio7 inonzwa zvinhu zvinosirisa zviri kusangana nevana veZimbabwe.

Chinhu chava pachena kuti ukataura zita rekuti Lindela, kana kuti Gumbagumba, kuchizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa, hana yake inorova, nokuti anoziva zvinoitika kukamba iyi.

Sevamwe vese vanobatwa muSouth Africa mushure mekupinda munyika iyi zvisiri pamutemo, vanhu vakawanda vemuZimbabwe vakatombochengetwawo paLindela, vasati vapinda murwendo rurefu rwekudzoserwa kumusha nechisimba, vachifamba nemotokari yemapurisa hombe yakapihwa zita rekuti Gumbagumba.

Muna Gunyana, sangano re Lawyers for Human Rights, rakaburitsa gwaro rinoratidza kuti mashandiro enzvimbo iyi ari kutyora mitemo zvakanyanyisa, pamwe nekodzero dzevanhu.

Gweta rinoshanda nesangano iri, Muzvare Thandeka Duma, vanoti vave nemwedzi yakati kuti vachiongorora mashandiro ekamba yeLindela. Vanoti vanhu vazhinji vanonyimwa mukana wekutsvaga hupoteri kana vaendeswa mukamba iyi.

Muzvare Duma vanoti vanhu vekune dzimwe nyika vakachengetwa muzvimbo iyi, vanoudza sangano ravo kuti chikafu chavanopihwa hachigutsi, chipatara chacho hachinyatsoshanda nemazvo, uye magumbeze avanofuga anenge azere neinda.
Lindela yakavakwa muna 1996, uye kamba iyi inogona kugara vanhu vanosvika zviuru zvitanhatu nemazana mashanu.

Ongororo yakaitwa ne Lawyers for Human Rights gore rino haina kutaura nezvekuzarisa kwevanhu pa Lindela, sezvakamboitika makore mashoma apfuura, apo pakafa vanhu vekuZimbabwe vakawanda.

Asi SW Radio Africa yakaburitsa nyaya muna Nyamavhuvhu yekuti pa Lindela pakaitika mhirizhonga, vanhu vana vakafa, vaviri vari vekuZimbabwe.
Mukuru webazi rinoona nezvemukati menyika muSouth Africa, VaMkuseli Apleni, vanotsika madziro vachiti hachisi chokwadi kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuLindela.

Nhengo yebhodhi reCrisis in Zimbabwe Coalition, Amai Thoko Matshe, vanoti zviri kukanganisa mafambisirwo ezvinhu kuLindela ndezvekuti hurumende yakaisa nzvimbo iyi mumaoko ekambani yakazvimirira, izvi zvinonetsa kuti inyatsoziva mafambiro ari kuita zvinhu pakamba iyi.

Asi Va Apleni vanoti Amai Matshe havasi kutaura chokwadi chemamiriro ezvinhu ku Lindela, vachiti hurumende iri kutarisa neziso regondo, mashandiro ekambani yeBosasa.

Asi Muzvare Duma vanoti mhosva huru iri kuparwa nehurumende yeSouth Africa panzvimbo iyi kuchengeta vanhu kwemazuva anodarika zana nemakumi maviri, zvinove zvinopesana nemutemo wenyika.

Asi VaApleni vanoti kudzosera munhu kunyika kwake hazvisi nyore, sezvo paine zvakawanda zvinofanirwa kutanga zvaitwa.

VaApleni vanoti bazi ravo riri kugadzira gwaro rine mazita emunhu wese ari munyika, kuitira kubata avo vanoti kana vasungwa, vade kutsvaga hupoteri zvisinei kuti vanenge vambotsvaga mvumo vakakundikana.

Ukuwo sangano reLawyers for Human Rights rinoti riri kukurudzira hurumende kuti iture mutemo uchaita kuti vanenge vabatwa nemhosva yekupinda munyika zvisiri pamutemo, vaende kuLindela chete kana zuva ravo rekudzoserwa kunyika yavo rasvika. Vanoti izvi zvichachengetedza mari yakawanda iri kushandiswa nehurumende pakuchengeta vanhu ava, pamwe nekubhadhara magweta apo inenge ichiendeswa kumatare nevanenge vachipikisa kudzingwa kwevanhu muSouth Africa.

Nyaya Ina Benedict Nhlapho
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG