Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vashandi Voramba Kutambira Mari Dzakawedzerwa neHurumende


Takavafira Zhou
Takavafira Zhou

Mamwe masangano anomirira vadzidzisi anoti haasi kutambira zvakabvumiranwa nemusi weChipiri nehurumende nerimwe remasangano anomirira vashandi vehurumende reApex Council munhaurirano dzaiitwa pasi peNational Joint Negotiating Council, kana NJNC.

NeChipiri, hurumende neveApex Council vakubvumirana kuti mushandi wehurumende anotambira mari iri pasi-pasi awedzerwe mari yake yemuhoro nezvikamu 139.23 percent, kubva musi waNdira 1 wegore rino.

Izvi zvinoreva kuti mushandi anga achitambira madhora chiuru chine makumi mana nemashanu ari maRTGS, achazenge ave kutambira maRTGS zviuru zviviri nemazana mashanu, uye mari yakanzi nehurumende ichatanga kubhadharwa mukupera kwemwedzi unouya asi yemwedzi uno ichibhadharwa zviri zvidimu-zvidimu kana.

Munyori mukuru musangano rinomirira vadzidzisi reZimbabwe Teachers Association, kana kuti Zimta, VaTapson Nganunu Sibanda, vaburitsa mashoko ekuti zvakabvumiranwa nehurumende neApex Council ndiwo magumo enhaurirano pakati pehurumende nevashandi vayo pari zvino.

VaSibanda vaudzawo Studio 7 parunhare kuti vari kukurudzira nhengo dzavo kuti kuti dzichitanga kuita basa sezvadzinotarisrwa kuti dzinge dzichiita.

Asi mamwe masangano akaita seAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, pamwe nesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, aramba kutambira zvakabvumiranwa nehurumende neApex Council izvi achiti zvakaitwa izvi kuzvidza vashandi.

Mutauriri weARTUZ, VaNation Mudzitirwa, vaudza Studio7 kuti mari yawedzerwa nehurumende iyi yakafanana nemutero wembwa.

Mashoko aVaMudzitirwa atsinhirwa nemutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou.

VaMudzitirwa vati chavanoda ndechekuti vapihwe mari yakaringana nemadhora ekuAmerica mazana mashanu inenge iri pamusika wemabhanga kana kuti interbank rate.

VaMudzitirwa vati nhengo dzavo dzicharamba dzisingakwanise kuenda kubasa zvichitevera kushomeka kwemari yawedzerwa nehurumende yavati idonhwe mugungwa.

Izvi zvatsnhirwawo naVaZhou avo vati chinodikanwa ndechekuti hurumende igadzirise gakava riripo pakati payo nevashandi vayo nekukasika kuitira kuti vashandi vehurumende vakwanise kuenda kumabasa.

Gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavhima, vati kunyange hazvo vachida kuwedzera vashandi vavo nemari yavari kuda, homwe yehurumende yakabooka zvekuti havakwanise kuita izvi sezvo hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG