Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kuda Kuripwa neHurumende Hokwira


Political Violence in Zimbabwe Down in July, Says Watchdog Group
Political Violence in Zimbabwe Down in July, Says Watchdog Group

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti huwandu hwevanhu vari kumhan’ara kumapurisa nekukwidza kumatare nyaya dzekutyorerwa kodzero dzavo huri kuramba huchikwira.

Vanhu ava vanosanganisira mwana ane gore rimwe chete, Precious mMapanzure, uyo ari pakati pevanhu vanosvika makumi matatu nevashanu vekuChingwizi vakaendesa gurukota rezvemukati menyika uye mukuru wemapurisa kumatare vachiti vakashungurudzwa, vamwe vachirumiswa nembwa dzemapurisa.

NeChina dare repamusoro rakatiwo gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi, vabhadhare VaJonathan Mushava mari yekuripwa inosvika zviuru zviviri zvemadhora mushure mekurohwa zvakaipisisa nemauto muna 2003.

Amai Tsitsi Chimhutu vekwaMutare vakapihwa mari inosvika madhora zviuru zvitatu mushure mekunge mapurisa maviri abatwa nemhosva yekuvatocha vari muhusungwa vachinzi vainge vaba kubasa kwavo.

Nhengo yeZimbabwe Election Support Network, VaaAmon Chitando, avo vakasungwa zvisiri pamutemo kuBindura, vakanzi nedare repamusoro mwedzi wapera vapihwe mari inosvika zviuru zviviri zvemadhora.

Vamwe vanhu vakawanda vari kuputsirwa dzimba nekanzuru ichimbobatsirana nemapurisa eZimbabwe Republic Police, vari kuendawo kuMatare vachiti kodzero dzavo dziri kutyorwa.

Vamwe vane mhosva dziri kumatare vachiti vakashungurudzwa nemapurisa vanosanganisawo nhengo dzeMDC-T dzakawanikwa dzisina mhosva panyaya yekuti dzainzi dzakauraya mumwe mupurisa kuGlen View muna 2011.

Gweta, VaMunyaradzi Gwisai, vakambosungwa vachinzi vaida kupidigura hurumende nechisimba vakabana nevamwe vavaipomerwa mhosva navo vakaenda kumatare vachida kuripwa sezvo vainge vachenurwa nedare.

Rimwezve gweta, VaKennedy Masiye, pamwe nemurwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika, VaItai Dzamara, vane nyayawo yavainge vakwidza kudare vachiti vainge vashungurudzwa nemapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbahwe Chimbgwa, vanoti vose vakatyorerwa kodzero dzavo vane kodzero yekuripwa.

XS
SM
MD
LG