Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi: Zvirango Zvakatemerwa VaMugabe Hazvisi Kushanda


Sangano reInstitute for Secutity Studies, kana kuti ISS, rekuSouth Africa rinoti zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo muZanu-PF, hazvisi kushanda

Sangano iri rinoti izvi zvinoratidzwa nekuti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuenderera mberi munyika. ISS yaburitsa gwaro rinonzi Zimbabwe: Are Targeted Sanctions Smart Enough? iro rinoti zvirango zvave kutoshandiswa neZanu-PF mukushora MDC nekuratidza kuti ndiyo iri kuita kuti zvinhu zvinetse munyika.

ISS inoti shanduko iri kuuuya munyika ingatonzi yakaunzwa neSouth Africa, samutongi gava, kwete kuti nezvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo kubva muna 2000 nenyaya yekusaita sarudzo dzakachena uye kutyora kodzero dzevanhu.

VaJoy Mabenge vanosashanda nesangano reInstitute for a Democratic Alternative for Zimbabwe. VaMabenge vanoti zvirango zviri kushanda uye ngazvirambe zviripo kudzamara veZanu-PF vachinja muitiro wavo.

XS
SM
MD
LG