Accessibility links

Breaking News

Sangano ReGrain Miller's Association Of Zimbabwe Rokurudzira Hurumende Kuti Idzike Mutero Pafurawo Inobva Kune Dzimwe Nyika


Sachigaro vesangano reGrain Miller’s Association Of Zimbabwe, vaTafadzwa Musarara, vari kukurudzira hurumende kuti idzike mitero pafurawo inobva kunze kwenyika iyo iri kupinda pachena pari zvino.

VaMusarara vanoti izvi zvinobatsira kuti mitengo yefurawo yemunyika isakwire kudarika inobva kunze nyika iyo iri kupinda isina mitero zvirikuita kuti idzikire mutengo wayo.

VaMusarara vanoti kudzikwa kwemitero iyi pafurawo inobva kunze kwenyika hakuzokonzere kushomeka kwayo sezviri kufungidzirwa neveruzhinji.

VaMusarara vaenderera mberi vachiti hurumende inofanirwa kubatsira vanorima gorosi sezvo chirimwa ichi chichida mari yakawanda kuti chiibve.

Muna Kubvumbi hurumende yakavimbisa varimi ve gorosi kuti yaizovapa rubatsiro rwe mari inosvika $20 million kuti varimwe winter wheat asi kuzvika parizvino mari iyi haisati yapihwa varimi vanofanirwa kunge vachiyishandisa izvo zvirikushungurudza varimi vechirimwa ichi.

VaMusarara vanoti dai hurumende ikashandisa nzira yayakambo shandisa pakuwudzwa kwechibage munyika apo yakatara mitero yakabatsira kuti vanorima chibage munyika vasaburitswe mubhizinesi.

Sachigaro vesangano regrain miller’s association of zimbabwe, vatafadzwa musarara, vari kukurudzira hurumende kuti idzike mitero pafurawo inobva kunze kwenyika iyo iri kupinda pachena pari zvino. Vamusarara vanoti izvi zvinobatsira kuti mitengo yefurawo yemunyika isakwire kudarika inobva kunze nyika iyo iri kupinda isina mitero zvirikuita kuti idzikire mutengo wayo.

Vamusarara vanoti kudzikwa kwemitero iyi pafurawo inobva kunze kwenyika hakuzokonzere kushomeka kwayo sezviri kufungidzirwa neveruzhinji. Marvellous mhlanga nyahuye we studio7 aita hurukuro nava musarara kuti tinzwe maonero avo.

XS
SM
MD
LG