Accessibility links

Breaking News

Nyika Dzokurudzirwa Kuwanira Vanorarama neHIV/AIDS Mishonga


Sangano re World Health Organisation, WHO, rinoti zvinokwanisika zvikuru kuti huwandu hwevanhu vari kuwana rubatsiro rwemishonga yekurwisa HIV/AIDS pasi rose hukwire kubva pamamiriyoni masere kusvika pamamiriyoni gumi nemashanu panosvika gore ra 2015. Sangano iri rinoti izvi zvinobudirira chete kana hurumende dzepasi rose dzikaisa misoro pamwe chete mukurwisa dambudziko rakatarisana nepasi rose reHIV/AIDS.

Vachitaura pamusangano mukuru mu Washington, mukuru webazi reHIV/AIDS muWHO, Va Gottefried Hirnschall, vati zvanga zvisiri nyore mumakore apfuura kuti pasi rose rikwanise kupa mishonga kune avo vanofanirwa kunge vachiwana mishonga iyi.

Vati pari zvino nyika nhatu dzinoti South Africa, Malawi, neCambodia, dzine zvirongwa zvekurwisa HIV/AIDS kuburikidza nekupa pachena mishonga kuvanhu vanorarama neHIV/AIDS. Vanoti zvidzidzo zvakaitwa munyika nhatu idzi zvinokwanisa kubatsira pasi rose kuti rienderere mberi nekurwisa dambudziko re HIV/AIDS.

Vechidiki vanorarama neHIV/AIDS vanoti vanoda kuti mashoko avo atorwe zvine hudzamu pamusangano uyu sezvo vane zvichemo zvakawanda zvavanoda kuti zvigadziriswe.

Mumwe wevechidiki ari pamusangano uyu, Muzvare Annah Sango, uyo anorarama neHIV anoti achatora zvidzidzo zvaachawana kubva pamusangano uyu kuitira kuti agozodzidzisa vamwe vechidiki vasina kukwanisa kunge vari pamusangano uyu.

Mumwe wechidiki anomirira sangano reYouth End AIDS Zimbabwe, Christon Zimbizi, anotiwo musangano uyu wamupa mukana wekusangana nevamwe vechidiki vepasi rose, achinzwawo mafambisirwo avari kuita dambudziko reHIV/AIDs munyika dzavo.

Asi Zimbizi anoti haasi kufara nekushomeka kwevechidiki vekuZimbabwe pamusangano uyu.

Musangano we 2012 International AIDS Conference uri kuitirwa mu Washington kekutanga mumakore makumi maviri nemaviri, zvichitevera kubviswa kwemutemo unorambidza vekunze vane HIV/AIDS kupinda muAmerica kwakaitwa nemutungamiri wenyika iyi, Va Barack Obama, muna 2009.

XS
SM
MD
LG