Accessibility links

Breaking News

Sangano reSADC roburitsa Gwaro Rizere paSarudzo Dzakaitwa muZimbabwe


Va Bernard Membe
Va Bernard Membe
Vaongorori vesarudzo vakabva kuSouthern African Development Community, SADC, vanoti kunyange hazvo sarudzo dzakaitwa murunyararo dzakazokanganiswa nenyaya dzakati kuti dzinosanganisira kunonoka kuburitswa kwegwaro revavhoti.

Vachiparura gwaro ravo rekupedzisira pamusoro pezvavakaona musarudzo idzi, vaitungamira vaongorori ava, uye vari gurukota rinoona nezvekunze kweTanzania, VaBernard Membe, vati vanhu vakavhotera vanhu vavaida pasarudzo idzi.

Vatiwo kunyange hazvo sarudzo dzakaitwa murunyararo, dzakazokanganiswa nenyaya yekuti vemapepanhau nenhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, vange vari kuburitsa nyaya vakarerekera kune rimwe bato vasingape mamwe mapato mukana.

Vatiwo kunonoka kuburitswa kwegwaro revavhoti kwakaitwa neveZimbabwe Electoral Commission kwakaita kuti sarudzo idzi dzisanyatso kuchena.

VaMembe vati kunyange hazvo mamwe mapato akange asiri kupihwa mukana neZBC, vati vane humbowo hwekuti mapato aya aipihwa mukana pane dzimwe nhepfenyuro dzinotepfenyura dziri kunze kwenyika.

Vati nhepfenyuro idzi dziri kutepfenyura zviri kunze kwemutemo uye dzinofanira kurega kuita izvi nechimbi chimbi. VaMembe vati SADC iri kutora matanho ekumisa nhepfenyuro idzi.

Dzimwe dzenhepfenyuro dzinotepfenyura dzichibva kunze kwenyika dzinosanganisira Studio 7 yeVoice of America, SW Radio Africa neVoice of the People.

Voice of the People yakanyimwa rezenisi rekutepfenyura muZimbabwe kaviri kese.

VaMembe vakurudzirawo vanhu vemuZimbabwe kushanda pamwe kuitira kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibvisiwe vachiti Zanu PF ichatonga kusvika madhongi amera nyanga kana zvirango zvikaramba zviripo.

VaMembe vatiwo SADC ichatuma nhume kunyika dzakatemera Zimbabwe zvirango dzakaita se America, Australia neEuropean Union kuti dzibvise zvirango nekukasaika.

Nyika idzi dzakatobuda pachena dzichiti sarudzo dzemuZimbabwe dzange dzisina kujeka uye zvirango zvichabviswa chete kana nyika yaita sarudzo dzakachena.

VaMugabe nebato ravo reZanu PF ndivo vanonzi neZimbabwe Electoral Commission vakakunda musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru. Asi mutungamiri we MDC huru, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nebato ravo vanoti sarudzo idzi dzakabirirwa.
XS
SM
MD
LG