Accessibility links

Breaking News

SADC Yorongazve Musangano weKugadzirisa Zviri Kunetsa muZimbabwe


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaparura zvakare hurongwa hwekushanyira vatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica vachivazivisa mamiriro akaita zvinhu. Kutaura kuri kuita VaTsvangirai nevakuru ava kwapa kuti SADC idaidzire mumwe musangano wakakosha weExtraodinary Summit wekupangana mazano panyaya yeZimbabwe.

Musangano uyu unonzi uchaitwa mwedzi unouya uri musi wa 20 Chivabvu.

Vanotungamira kuburitswa kwemashoko muSADC, Muzvare Leefa Martin, vaudza Studio7 kuti SADC yatenderana kuti musangano weExtraodinary Summit uitwe musi wa 20 chivabvu.

Vane ruzivo nezviri kuitika muSADC vanoti gungano iri riri kuda kuyedza kupedza matambudziko ari munyika uye kuyambirazve mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasaite zano ndega panyaya yesarudzo.

Vakuru veSADC vanonziwo havasi kufara nemashoko aVaMugabe ekuvanyomba vachiti vari kupindira mumatongerwo eZimbabwe.

VaTsvangirai vange vari muMaseru kuLesotho neChina vakadzoka munyika neChishanu.

Nemuvhuro vari kutarisirwa kuita musangano nemutungamiri weAngola, VaEduardo dos Santos.

Vamwe muZanu-PF vanoti vari kurongawo kutumira nhumwa kuchamhembe kweAfrica sezvo bato iri riri kuti VaTsvangirai vari kufamba vachitaura zvisiri izvo izvo zvaka kupa kuti SADC ivashore.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti VaTsvangirai vari kuudza vatungamiri ava nezvemamiriro akaita zvinhu munyika umo vanoti maberekera ingwe.

Zvichakadaro, vari kutungamira nhaurirano mumapato ari muhurumende yemubatanidzwa vanonzi vabuda negwara resarudzo kana kuti Elections Roadmap, iro richaendeswa kumapato aya.

Gwara iri rinotarisirwa kuendeswa kuna mutongi gava, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, mukupera kwemwedzi.

Mugwaro iri mune zviri kuda kuitwa pasati paitwa sarudzo zvakafanana nekuvandudzwa kwegwaro revavhoti, mitemo yesarudzo, kuvandudzwa kwemabatirwo ebasa nemapurisa uye nyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG