Accessibility links

Breaking News

South Africa neSADC Dzokurudzirwa Kuona Kuti Zimbabwe Yaita Sarudzo Dzakanaka


Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti nyika dzemuSADC dzinofanirwa kuona kuti matambudziko ari kusangana nemapato ezvematongerwo enyika muZimbabwe agadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa.

Izvi zvabuda pamusangano waitirwa muJohannesburg, South Africa.

Masangano aya aratidza kushushikana zvikuru nemashoko ari kubuda anoratidza kuti Zimbabwe Electoral Commission, Zec, iri kushanda nemauto munyaya dzesarudzo, izvo zviri kugara zvakashorwa mazuva ose nemapato anopikisa.

Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaRashid Mahiya, vati masangano avari kushanda nawo haasi kufara nekutyityidzirwa kuri kuitwa vanhu nemauto, uye kushanda kuri kuita ZEC nemauto mugadziriro yesarudzo.

VaMahiya vati zvakakosha kuti nyika dzemuSADC, dzichitungamirwa neSouth Africa, dzizeye zvakadzama zviri kuitika muZimbabwe.

Vakurudzirawo vatori venhau nemasangano achange achiongorora sarudzo kuti vamire pachokwadi panguva yesarudzo kuitira kuti pabude chokwadi chinoratidza mamiriro ezvinhu munguva yesarudzo.

VaMahiya vakurudzirawo munhu wese anokwanisa kuvhota, kusanganisira vari kunze kwenyika, kuti vavhote musi wesarudzo kuitira kuti nyika ive nevatungamiri vakasarudzwa murunyararo.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati hurumende yeZimbabwe inofanira kuremeredza kodzero dzavanhu. Vatiwo vaongorori vesarudzo vanofanirwa kushanyira nzvimbo dzose kuitira kuti vaone nemaziso zvinenge zvichiitika.

Vatiwo mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, sasachigaro weSADC, vanofanirwa kuona kuti sarudzo dzemuZimbabwe dzaitwa nemazvo.

Masangano anodarika zana aya atiwo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu, uye kuona kuti vatori venhau vashanda vakasununguka.

Zimbabwe iri kuita sarudzo musi wa 30 Chikunguru. Sarudzo idzi ndedzekutanga kuitwa mumakore makumi matatu nemasere VaRobert Mugabe vasingakwikwidze.

Masangano avana chipangamazano anoti sarudzo ine mutsindo iri pakati peZanu PF inotungamirwa naVaMnangagwa ne MDC Alliance iri kutungamirwa naVaNelson Chamisa, kunyange hazvo paine mapato akawanda ari kupinda musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG