WASHINGTON —
Sangano rinopikisa muSouth Africa reDemocratic Alliance rakavhotera VaMmusi Maimane semutungamiri waro mutema wekutanga kuti atungamire bato rine rutsigiro rwakanyanya zvikuru kubva kuvachena vemunyika iyi.
VaMaimane avo vane makore makumi mana nemana ekuberekwa vakati vachashanda zvakasimba kuona kuti vanhu vose munyika iyi vawana mikana yakafanira kuti hupenyu hwavo huve nani.
Vaive mutunhamiri weDA Amai Hellen Zille vakasiya chigaro mushure mekutungamira bato iri kwemakore masere.
Amai Zille vakatungamira bato iri kuti riwane zvikamu makumi maviri nemaviri kubva muzana musarudzo dzemuna 2014.