Accessibility links

Breaking News

VaReynolds Vodzingwa Munyika neMatare


VaReynolds vachisvika kumatare muZimbabwe
VaReynolds vachisvika kumatare muZimbabwe
Vaimbova nhengo yekongiresi mu America, Va Melvin Reynolds, vabatwa nemhosva yekugara mu Zimbabwe vasina mvumo vakanzi vaburitswe munyika sezvinodiwa nemitemo.

Dare redzimhosva rawana Va Reynolds vaine mhosva yekugara munyika zviri kunze kwemitemo, rikati vabhadhare faini yemadhora zana, uye kuti vaburitswe munyika.

Izvi zvinotevera kubvuma kwaVaReynolds kuti vakagara munyika zvisiri pamutemo wenyika mushure mekunge vadarikidza mazuva avakapihwa nebazi rinowona nezvekupinda pamwe nekubuda kwevanhu munyika kuti vange vari mu Zimbabwe.

Vachinyengetedza dare kuti ripe Va Reynolds mutongo uri nani, gweta raVa Reynolds, Va Arthur Gurira, vati VaReynolds munhu anokodzera kurerutsirwa nekuti vakapara mhosva iyi kwete nekuda asi kuti vakatadza kunogadzirisa mapepa avo kubazi re Immigration nepamusana pehurwere.

Va Gurira vaudza dare kuti Va Reynolds vakaita sitiroko munguva iyo vaifanira kunogadzirisa mapepa avo zvakazokonzera kuti vatadze kuzonoagadzirisa.

Vaenderera mberi vachiti Va Reynolds, avo vanga vakapfekedzwa makhaki ekujeri vachigamhina vakabhandija chigunwe chihombe chegumbo rekuruboshwe, munhu akapinda nekubuda munyika zviri pamutemo kanokwana kagumi nenomwe asi iye zvino hurwere ndihwo hwakazovatadzisa kutevedzera mutemo wenyika.

Va Reynolds vaifanira kunge vakabuda munyika musi wa 10 Zvita mapepa avo paakapera kushanda uye vaisungirwa kukumbira mamwe mazuva kubva kubazi rinowona nezvekupinda pamwe nekubuda kwevanhu munyika kuti varambe vari mu Zimbabwe.

Vatiwo Va Reynolds munhu asinawo hama munyika uye vakange vachifambira zvemabhizimusi zvisina kunyatsodedemurwa mudare.

Mumutongo wavo panyaya iyi, mutongi wedare, Va Tendai Mahwe, vati Va Reynolds vabhadhare faindi yemadhora zana kana kuti vapike kwemazuva mashanu kana vachinge vatadza kubhadhara mari iyi. Vati kana vabhadhara faindi iyi kana kupika kwemazuva atarwa aya, Va Reynolds vanofanirwa kuendeswa kubazi rinowona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika kuti vadzoserwe ku America.

Mune imwewo nyaya yanga ichipomerwa Va Reynolds yekuwanikwa vaine mifananidzo yevanhurume nevanhukadzi vaiita zvepabonde yanzi nemuchuchisi wenyaya iyi, Amai Sharon Mashavira, yaiva munharembozha yavo, mutongi wedare ati mhosva yanga ichipomerwa Va Reynolds imbosendekwa parutivi nepamusana pekuti hurumende haina kutevedzera mutemo pakuwunza nyaya iyi kudare.

Izvi zvinotevera chikumbiro chaitwa na Va Gurira chekuti Va Reynolds havafanirwe kutongwa nemhosva iyi nepamusana pekuti muchuchisi wenyaya iyi haana kutsvaga mvumo yekuti nyaya iyi itongwe kubva kuhofisi yemuchuchisi mukuru wehurumende sezvinodiwa nemutemo wenyika.

Amai Mashavira vambenge vapikisa chikumbiro ichi vachiti vanoda kuti nyaya iyi ipfuudzirwe mberi kusvika neMuvhuro kuitira kuti vatsvage mvumo iyi.

Asi mutongi wedare ati hazvikwanisike sezvo mvumo iyi yaifanira kunge yakawanikwa nyaya iyi isati yawunzwa kudare.

Zvichakadai, Va Reynolds vacharamba vari mujeri vakamirira kuti hurumende yemuno ivadzosere ku America. Hazvisati zvazivikanwa kuti zvichaitwa riini.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG